Hurumende Inokuridzira Varimi Vachena Vasisina Mapurazi Kuti Vashande neVatema

Hurumende inokuridzira varimi kushanda pamwe nevatema

Gurukota rezvekurima, VaPerrance Shiri, vari kukuridzira varimi vachena vasisina mapurazi kuti vashande pamwe chete nevarimi vane mapurazi kuwedzera goho uye nekusimudzira hupfumi hwenyika.

Mashoko aya akatsinhirwawo nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vakati hurumende yamira zvachose kutora minda kubva kuvachena vasara vari muminda.

Nyaya iyi inoratidza kuti VaMnangagwa vanenge vave kusiya gwara reZanu-PF rekuti vachena vose vatorerwe minda.

Vaimbove sachigaro rebazi rezvekurima paUniversity of Zimbabwe, Muzvinafundo Mandivamba Rukuni, vanoti kana chirongwa ichi chikabatwa zvakanaka chinogona kubudirira zvikuru nekuti chinosanganisa vasina mapurazi asi vane ruzivo neavo vasina ruzivo asi vaine mapurazi.

"Vamwe varimi vari muA2 vazhinji vanenge vachishaya mari yekuti vakwanise kurima nekuti zvinoti dhurei kurima nekuti mapurazi mahombe anoda mbeu nezvekurimisa zvakawanda."

Vanoenderera mberi vachiti, "Inogona kuvawo nyaya yekushaya hunyanzwi hwacho hwekurima. Saka kana pachiitwa zvekushanda vakabatana nemumwe murungu asisina purazi vanogona kubatsirana."

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaDoctor Mandi Rukuni