Hurumende Inoti Haina Hurongwa hweKubaya Nhomba yeCovid-19 keChitatu Parizvino

  • Blessing Zulu

Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwechirwere cheCovid-19 munyika Dr Agnes Mahomva vanoti Zimbabwe pari zvino haina hurongwa hwekubaya nhomba keChitatu kune vamwe vanhu kana kuti “booster shot” sezviri kuitwa nenyika yeAmerica nedzimwe dzakabudirira.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti izvi zvinobatsira masoja emuviri kune vakwegura nevanoshanda muzvipatara kuti vasabatwe kana kuzofa vakabatwa nechirwere cheCovid-19.

Dr Mahomva vaudza Studio 7 kuti parizvino vari kuda kuti vanhu vose vambobayiwa nhomba mbiri chete kuti vakwanise kudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Chinangwa chehurumende kubaya vanhu mamiriyoni gumi. Vanhu vabayiwa nhomba kaviri vave mamiriyoni maviri nezviuru zvitatu nezviviri zvine mazana matatu nemakumi matanhatu nemanomwe kana kuti 2 302 367.

Zvichakadaro, bepanhau reSunday Mail rinoti pane ongororo iri kuitwa kuona kuti chii chakaitika mushure mekunge vanhu vaviri vafa mushure mekubayiwa nhomba yeCovid-19.

Sangano reMedicine Control Authority of Zimbabwe rinoti vanhu makumi mapfumbamwe nevatanhatu ndivo vakarwara pavanhu vanodarika mamiriyoni mashanu vabayiwa nhomba yeCovid-19 munyika. Vanhu vafa vana, asi vamwe vaviri vanonzi vainge vaine zvimwe zvirwere zvakapa kuti zvirwere zvachp zvibva zvakomba zvavakangobayiwa nhomba.

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weMugovera zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi maviri nevashanu kana kuti 4, 625.

Vanhu makumi matanhatu nevatanhatu vakabatwa nechirwere ichi neMugovera zvekare zvasiya vabatwa nacho vave zviuru zana nemakumi matatu nechimwe zvine makumi mapfumbamwe nemana kana kuti 131 094. Pavanhu vakabatwa nechirwere ichi nezuro, gumi nevatanhatu vana vechikoro.

Vanhu vabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga vave mamiriyoni matatu nezviuru zana nematanhatu zvine zana nevaviri kana kuti 3 106, 102.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Agnes Mahomva