Hurumende inoti iri kuenderera mberi nechirongwa chayo chekugadzirisa hukama hwayo nedzimwe nyika zvisinei nekuti sangano reEuropean Union neAmerica zvakawedzera zvirango zvadzakatemera mamwe makambani nevamwe vakuru vakuru muhurumende negore.
Vachitaura mudare reparamende nezviri kuitwa nehurumende mukuyedza kuumbiridza zvekare hukama nenyika dzakabudirira, munyori mukuru mubazi rezvekudyidzana nekutengeserana nedzimwe nyika, Ambassador James Manzou, vati hurumende yange isingatarisire zvakaitwa neAmerica neEU asi vakati izvi hazvisi kuzovadzorera kumashure.
VaManzou vati kunyange hazvohurumende yeAmerica ne EU dzakawedzera nguva yezvirango pane humbowo hunoratidza kuti nyika idzi dziri kuda kudyidzana neZimbabwe.
Vati pane vemabhizimisi vakawanda vari kuda kutanga mabhizimisi muno vari kubva kuAmerica neEU uye izvi zvinoratidza kuti kunyange hurumende dzavo dzakatemera Zimbabwe zvirango dzirikuona remangwana rayo rakanaka.
VaManzou vati zvirangano zvehupfumi hazvina kunaka zvachose sezvo zvichibata varombo pamwe nemakambani akazvimirira.
Vatiwo hurumende yakazvipira kushanda nenyika dzese dzepasi rino uye iri kuedza kuita zvese zvingaite kuti ive nehukama hwakanaka nenyika dzepasi rese.
Vati danho rekudzokera musangano reCommonwealth rave pachinhano chepamusoro uye sangano iri richatuma nhume dzaro munguva pfupi inotevera kuti dzizoita ongororo pasati patorwa matanho ekuti Zimbabwe idzorwe mugungano iri.
Vaenderera mberi vachiti Zimbabwe ichasaina zviga nezvibvumirano zvekuchengetedza hupfumi nemakambani edzimwe nyika muno kana kuti maBilateral Investment Protection and Promotion Agreements uye munguva pfupi inotevera hurumende ichange ichikumbira paramende kuti itsigire zvibvumirano izvi sezvinodiwa nemutemo wenyika.
VaManzou vabvuma kuti munguva yapfuura hurumende yaityora zvibvumirano izvi asi izvi hazvichaiitike uye hurumende icharipa nyika dzine zvibvumirano zvakatyorwa dzakaita seNetherlands.
VaManzou vange vakamirira gurukota rezvekudyidzana nekutengeserana nedzimwe, VaSibusiso Moyo, avo vatadza kuenda kuparamende sezvo vange vakabatikana.
Zvichakadai nhengo dzeMDC Alliance muNational Assembly dzati hadzisi kufara kuti makurukota ehurumende ari kuramba achizvidza paramende nekutadza kuuya kudare kuzopindura mibvunzo nemusi weChitatu svondo rega rega.
Vanokokera nhengo idzi mudare iri, VaProper Mutseyami, vaudza mutauriri wedare iri, Advocate Jacob Mudenda kuti vaneta nekugara vachitaura nezvanyanya iyi.
Nhasi mudare mange muine makurukota mashomana izvo zvisina kufadza nhengo dzeMDC Alliance.
VaMudenda vati vachanyorera kumutungamiriri wenyika kuti chichemo ichi chigadziriswe.
VaMudenda vavimbisawo kunyorera kumutungamiriri wenyika kuti vapindure chikumbiro chemumiriri weMutare Central VaInnocent Gonese veMDC chekuti mutungamiriri wenyika atsanangure kuParamende kuti sei masoja akapinzwa mumigwagwa musi wa 1 Nyamavhuvhu gore rapfuura nemusi wa14 Ndira gore rino.
Bumbiro rinoti pese panoitika izvi mutungamiriri wenyika, anove iyi mukuru wemauto ese munyika, anofanira kunotsanangura kuparamende zvikonzero zvinenge zvaita kuti apinze uto mumigwagwa.
Zvichakadai mumiriri weGokwe Kabunyuni, VaLeonard Chikomba, veZanu PF nhasi vakumbira hurumende kuti ione zvaingaite kuti mvura inaye pachishandisa ndege kana kuti clud seeding sezvo zvirimwa zvave kufa nezuva.
Asi mumwe wevatevedzeri vegurukota rezvekurima, VaDouglas Karoro, vati izvi zvinokwanisa kuitwa chete kana mudenga muine makore.
Zimbabwe yakatarisana nenzara inotyisa gore rino zvekuti vanhu vanodarika mamiriyoni mashanu vanoda rubatsiro rwechikafu.
Your browser doesn’t support HTML5