Hurumende Inoti Iri Kugadzirisa Nyaya dzeHutano

Nyaya dzehutano munyika dzinonzi dzichiri kunetsa vanhu vazhinji kunyange hazvo zvimwe zvinhu zvachinja kubva kutanga kwakaita hurumende yemubatanidzwa kushanda.

Vanhu vazhinji vari kutsutsumwa nemari dzavari kubhadhariswa muzvipatara, pamwe nemari dzinodiwa navana chiremba vanoshanda vega.

Asi hurumende iri kuti iri kuita zvose zvainogona kuti zvipatara, vana chiremba nevamwe vezvehutano kuti vasabhadharisa varwere mari dzakawandisa.

Gurukota rehutano, Va Henry Madzorera, pamwe nemukuru anoona nezvehutano musangano re Zimbabwe Lawyers for Human Rights, Va Tinashe Mundawarara, vanoti pachine zvizhinji zvinoda kugadzirwa. Asi VaMadzorera vanoti hurumende iri kuita zvese zvainogona kuitira kuti hutano hunge huri pedyo neveruzhinji.