Hurumende Inoti Kutengesa Peturu neDhiziri paMukoto Kowedzera Kushomeka Kwawo

  • Blessing Zulu

Gurukota rinoona nezvemhando dzemoto, VaJoram Gumbo, vanoti chimwe chave kupa kuti mafuta ekufambisa dzimotokari anyanye kushaika inyaya yevamwe vanhu vari kuhodha vachinotengesa peturu nedhiziri pamukoto.

Asi VaGumbo vabvumawo kuti mari yekunze yekutenga mafuta aya ishoma kunyange hazvo vari kuyedza napose pavanogona napo kuti vawane mafuta anokwanira nyika nekukwereta pane dzimwe nguva.

Mashoko aya anouya apo vakawanda vari kuchema chema kuti varara pamutsetse mumagaraji vakamirira kuti vakwanise kutenga mafuta ekufambisa dzimotokari.

Vamwe vari kuchema chema kuti mabhazi awedzera mutengo vatyairi vachiti vari kutenga mafuta pamukoto.

Nyika yave nemwedzi yakawanda isina mafuta ekufambisa dzimotokari zvichikonzerwa nekutatarika kwakanyanya kwebhanga guru renyika kuti riwane mari yekuAmerica inodiwa kutenga mafuta aya.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJoram Gumbo