South Africa Inotanga Kupa Magwaro Zvizvarwa zveZimbabwe

  • Jonga Kandemiiri

Hurumende yeSouth Africa yatanga kupa zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi magwaro ekuti zvinge zvichigara pamwe nekushanda zviri pamutemo munyika iyi.

Vamwe vari munyika iyi vaudza Studio7 kuti zvinhu zvanga zvichiti nonokeyi mune dzimwe nzvimbo, uye vamiriri vemizinda yeZimbabwe vanga vachitarisirwa kuve munzvimbo idzi vachibatsira hurongwa uhu vanonzi vanga vasipo.

Hurumende yeZimbabwe yanga ichitarisirwawo kutanga kupa mapasipoti kuvanhu vasina magwaro aya munyika iyi, asi inonzi haina zvayaita panyaya iyi. Mumwe mushandi wekumahofisi emuzinda weZimbabwe kuSouth Africa audza Studio7 kuti vashandi vebazi rezvemukati menyika vanga vachitarisirwa kunge vava muSouth Africa, havasati vapinda munyika iyi.

Hatina kukwanisa kubata makurukota ezvemukati menyika, VaKembo Mohadi pamwe naAmai Theresa Makone kuti tinzwe kuti basa iri richatangwa riini.

Bazi rezvemukati meSouth Africa rinoti pane mahofisi makumi mana nematanhatu munyika yose ayo achabatsira zvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvichida magwaro aya. NeSvondo gurukota rezvemukati menyika, Amai Nkosazana Dhlamini-Zuma, vakakurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zvose zvisina magwaro kuti zvishandise mukana uyu.

Sachigaro weGlobal Zimbabwe Forum muSouth Africa, VaSolomon Chikowero, vaudza Studio 7 kuti vanhu vakawanda vaungana pamahofisi ebazi rezvemukati menyika muJohannesburg kuti vashandise mukana uyu kuwana magwaro matsva aya.