Mapurisa nemusi weMuvhuro akange azara zvekare mumigwagwa zvichitevera mashoko emukuru weZRP VaGodwin Matanga kuti vainge voda kusunga vose vati kutyaira vasina magwaro kana motokari dzisina kukodzera kunge dziri mumugwagwa.
Vanhu vakawanda vanoti motokariwo zvadzo ndidzi dzainyanya kumiswa nemapurisa pakatanga chirongwa chekudzoka mumigwagwa.
Vamwe vanhu vange vave kuchema chema nenyaya yekuti huori hunenge hwotanga zvekare mamwe mapurisa achitora mari dzechioko muhomwe.
Asi imwe kanzuru inoona nezvekufamba kwakanaka kwemotikari, yeTraffic Safety Council of Zimbabwe, inoti kudzoka kwemapurisa mumigwagwa kunovafadza zvikuru.
Mutauriri wekanzuru iyi, VaTatenda Chinoda, vaudza Studio 7 kuti zvange zvave kuvanetsa nekuti vanhu vange vave kutyora mitemo yemumigwagwa vachiziva kuti hapana akavatarisa kana anovasunga.
Your browser doesn’t support HTML5