Hurumende Yoenderera Mberi neKuputsa Zvivakwa muMbare

  • Blessing Zulu

Mapurisa ekanzuru yeHarare akabatana nemapurisa eZimbabwe Republic Police nemusi weSvondo akaenderera mberi achiputsa zvivakwa zvavari kuti zvakavakwa zvisiri pamutemo mumusha unogara vazhinji weMbare zvasiya vakawanda vasina pekugara kana pekutengesera kuti vawane kurarama.

Vanhu vakawanda vemumusha umo vataura neStudio 7 vanoti havasisina kana pekutangira zvekuti vave kutokumbira masangano anopa rubatsiro kuti vavepewo rubatsiro rwepakugara nekudya.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mudunhu reHarare nenzvimbo dzakapoteredza VaTafadzwa Muguti vaudza Studio 7 kuti parizvino havasi kutaura nevatori venhau uye vachakwanisa kuita izvi kana dare remakutukota ravanoti ndiro rakatora chisungo chekuchenesa maguta raga nemusi wechipiri.

Asi mutungamiri werimwe sangano revanotengesa mumigwagwa reVendors Initiative for Social Transformation VaSamuel Wadzai vati vachaendesa VaMuguti kumatare vachiti vari kuzvidza mutongo wedare repamusoro wakati kupwanywa kwezvivakwa kumbomira sezvo kwakaitwa zvisiri pamutemo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSamuel Wadzai