Hurumende Yokundikana Kubatsira Vakaremara kuMasvingo

Apo hurumende yakawedzerazve mazuva ekuti vanhu vagare mudzimba kana kuti lockdown, kuitira kurwisa kupararira kwehutachiona hwecoronavirus kana kuti Covid-19, vamwe vakaremara mudunhu reMasvingo vave kuchema chema kuti nzara yapfunya chisero mudzimba dzavo.

Vemasangano anorwira kodzero dzevakarema vanoti nhengo dzavo dziri kunonga svosve nemuromo munguva ino yelockdown sezvo dzisisina kana nzira dzekutsvaga raramo dziri mudzimba.

Vakawanda vakaremara ava vanorarama nekutengesa mumigwagwa uye nekupemha asi nenyaya yekunzi vagare mudzimba havachakwanisi kuita izvi nekudaro mari yekutenga chikafu yakapera kare.

VaHenry Chivhanga, veSangano reDisability Amalgamated Community Trust(DACT) vanoti nenyaya yekushaikwa kwechikafu kune vakaremara, kodzero dzavo dziri kumbunyikidzwa.

Vamwe vakaremara ava vanoti vari kusanganawo nemamwe matambudziko akaita sekushaiwa mvura munguva ino, iyo inouya kwenguva pfupi pfupi mudzimba dzavo.

Muzvare Nyaradzo Mutande, vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reInstitute of Community Development Trust, vanoti vakaremara nevanovabatsira vari kushaya zvipfeko zvekudzivirira kutapuriranwa kwechirwee checoronavirus.

Vamwe vemasangano aya vanoti rubatsiro ruri kupuwa vamwe nehurumende harusati rwasvika mudunhu reMasvingo nekudaro vari panguva yakaoma.

Hurumende yakavimbisa kupa vanhu rubatsiro rwemari inosvika mazana matatu emadhora emabond pamwedzi asi haisati yauya.

Gurukota rinoona nezvemagariro akanaka evanhu Muzvinafundo, Paul Mavhima, avo vanga vari mumusangano pavabatwa ne Studio 7 vati vari kubatsira vakaremara munguva ino uye hurongwa uhu hwagara huripo.

Mutauriri we Covid-19 Taskforce muMasvingo, VaRogers Irimayi, vatsigira Muzvinafundo Mavhima, vachiti komiti yavo iri kushanda nebazi iri kubatsira vakaremara munguva ino.

Asi, Pastor Cover Mugwadi, vesangano, reZimbabwe Disability Advocacy, Empowerment, Rehabilitation and Technology, vanoti hurumende haisi kutaura chokwadi nekuti hapana chavarikuwana mudunhu reMasvingo.

Vamwe vazhinji vevakaremara vanoti vari kushushikana kuwana matsamba ekuti vakwanise kufamba kuti vaitewo mabasa vawane chekudya sezvo hurumende yave kutendera vanhu kuti vaitewo mamwe mabasa.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godfree Mtimba