Hurumende Yokurudzirwa Kupota Ichizivisa Vanhu Nezve Vanofa Kana Kurwara Vabayiwa Nhomba yeCovid-19

  • Blessing Zulu

Vaimbove gurukota rinoona nezvehutano muhurumende yemubatanidzwa Dr Henry Madzorera vanoti hurumende inofanira kupota ichiburitsa huwandu hwevanhu vanenge varwara kana kufa mushure mekubayiwa nhomba yeCovid-19.

VaMadzorera vati izvi zvinopa vanhu chivimbo chekuti vabayiwe nhomba vaine ruzivo rwakakwana nezvavanofanira kutarisira.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi

Izvi zvinotevera mashoko eMedicines Control Authority of Zimbabwe kubepanhau reSunday Mail ekuti vanhu makumi mapfumbamwe nevatanhatu vakarwa mushure mekubayiwa nhomba uye vamwe vana vakafa.

Pane vakafa ava, vanhu vaviri vanonzi vainge vaine zvimwe zvirwere asi chakauraya vamwe vaviri chichiri kuongororwa.

Asi mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwechirwere cheCovid-19 munyika Dr Agnes Mahomva vati havo vanhu vakawanda vari kufa nechirwere cheCovid-19 havana kubayiwa nhomba.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Agnes Mahomva