Hurumende inoti iri kuronga kutanga chirongwa chekuti vanhu vaongorerwe ropa ravo kuti vane hutachiona hwe HIV here kana kuti kwete.
Muhurongwa uhu kana hwabudirira, vashandi vehurumende vachange vachipinda mudzimba dzevanhu vachipa dzidziso pamwe nekuvheneka ropa revanhu.
Izvi zvataurwa neChitatu mu Harare negurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, avo vati chirongwa chavo chekupinda mudzimba dzose chichabatsira zvikuru kuti nyika ikwanise kupedza dambudziko re HIV/AIDS nekuti vanhu vanenge voziva kuti vakamira sei. Chirongwa ichi hachimanikidzi vanhu kuti vaongororwe ropa ravo.
Va Madzorera vanoti muchirongwa ichi bazi ravo richange richishanda nevatsigiri varo, avo vanosanganisirawo masangano ekunze.
Mukuru we National Aids Council, VaTapuwa Magure, vanoti vanotsigira chirongwa ichi.
Imwe nyanzvi munyaya dze HIV/AIDS, Amai Monica Mandiki, vanoti chirongwa chakadai chine matambudziko, zvikuru sei nyika ichine dambudziko rekushaya mari dzinodiwa.