Hurumende Yotenga Michina yeMuzvipatara Inodarika Miriyoni yeMadhora ekuAmerica Isingashande

Komiti yeparamende inoona nezvehutano nhasi iri kutarisirwa kushanyira chipatara cheParirenyatwa kuonoona michina yakanzi navanachiremba vakuru nezuro yakatengwa nehurumende asi isiri kushanda.

Michina iyi yakanotengwa kuIndia nemutevedzeri wegurukota rezvehutano VaJohn Mangwiro, avo vatiwo vakatenga michina iyi vachibatsirana nevashandi vemuzinda weZimbabwe kuIndia.

Vachitaura kukomiti iyi, vanachiremba vakuru vari pasi pesangano reSenior Hospital Doctors Association kana kuti SHDA vakati zvinhu zvichiri zvakaita manyama amire nerongo muzvipatara uye hakuna michina inodiwa kuzvipatara zvehurumende kuti ibatsire varwere.

Mutungamiri weSHDA Amai Shingai Nyaguse vakati pamichina yakatengwa nehurumende iyi zvikamu gumi kubva muzana chete ndiyo iri kushanda. Amai Nyaguse vatiwo kunyangwe hazvo vamiriri vekambani yekuIndia kwakatengwa michina vakazodanwa kuuya munyika kuzoigadzirisa vakakundikana.

Amai Nyaguse vakatiwo pamichina iyi, mizhinji yacho yakamboshanda uye yakatengwa kukambani isingazivikanwi. Vakapawo muenzaniso wekuti mimwe mibhedha yakauya inofanirwa kushandiswa pakusununguka kwemadzimai akazvitakura yakanyorwa kuti ishandiswe nemadzimai asingaremi zvinodarika makirogiramu makumi matanhatu nemashanu, vakati madzimai mazhinji munyika anenge akazvitakura anodarika huremu uhwu.

Vachitaurawo kukomiti iyi, VaMangwiro vakaramba kuti michina iyi haisi kushanda vachiti mishoma chete ndiyo ine zvimwe zvaive zvisipo asi vakati zvinhu izvi zvakazogadzirwa uye vamiriri vekambani yekuIndia kwavakatenga michina iyi vari kuuya kuzoisa zvaive zvisipo izvi kuti itange kushande.

Imwe nhengo yeSHDA, Doctor Bothwell Mbuvayesango vanoti zvipatara zvinofanira kupihwa mvumo yekuzvitengera michina yazvo.

Vanachiremba ava vakaudzawo komiti yeparamende iyi kuti vanhu vazhinji vari kufa nekuda kwekushaikwa kwezvikwanisiro muzvipatara zvehurumende zvinodiwa mukurapwa kwavo.

Vanachiremba vakuru ava vakapawo chichemo kudare reparamende kuti ribvise bhodhi rinovamiririra reHealth Services Board iro vanoti harimiririre zvido zvavo.

Asi gurukota rinoona nezvehutano VaObadiah Moyo vakati kubviswa kweHealth Services Board kunonetsa kana pasina kuvandudzwa mutemo.

VaMoyo vakabvumawo kuti zvinhu zvakaparara munyaya dzehutano vachiti kugadzirisa matambudziko aya kunoda mari yekunze iyo hurumende isina.

Komiti inoona nezvehutano iyi yatiwo nhasi ichaenda kunozvionera pamhuno sefodya kuzvipatara zveParireyyatwa pamwe neSally Mugabe kuti zvinhu zvakamira sei chaizvo munyaya dzezvehutano, sezvo pasina kuwirirana nezvekuti michina iyi iri kushanda here kana kuti kwete.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaCalvin Manduna