Hurumende Youdzwa kuTNF Kuti Vashandi neVashandirwi Havasi Kufara neMari yeRTGS

  • Blessing Zulu

Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rakabatana nesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe mukukurudzira hurumende kuti imbosendeka parutivi hurongwa hwekuti nyika ishandise dhora remuZimbabwe vachiti havana kunge vasumwa sezvavanotarisira.

Izvi zvakabuda pamusangano weTripartite Negotiating Forum kubva TNF waitwa muHarare neChitatu.

Hurumende kuburikidza nemutemo weStatutory Instrument 142 of 2019 yakati vanhu kana vachitenga nekutengesa zvinhu munyika havachabvumidzwe kushandisa mari dzekunze dzakaita sedhora rekuAmerica, Pula kana Rand.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvevashandi, Amai Sekai Nzenza, kana mutungamiri weEMCOZ, Amai Nester Mukweva, sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Asi Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vaudza Studio 7 kuti kana hurumende ikasavandudza zvinhu vashandi vacharatidzira.

Dare remakurukota riri kutarisirwa kupirwa nyaya iyi svondo rinouya.

Your browser doesn’t support HTML5

HurukuronaVaPeter Mutasa