Komiti yeParamende Yonzwa Pfungwa dzeVanhu

  • Blessing Zulu

Hurumende yave kuyedza kugadzirisa mutemo wekuwanisa vatema mukana munyaya dzezvehupfumi, mushure mekunge mutemo uyu waunza mutauro wakanyanya munyika.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakaudza musangano wehurumende nevemaindasitiri kuti vemabhizimisi havafanire kutya mutemo uyu, uye vachaita kuti mutemo uyu unakire munhu wese.

Dare remakurukota ratumirawo komiti yeparamende inoona nezvemari kuti itangewo kunzwa pfungwa dzevanhu panyaya yezvisungo zvemutemo uyu.

Komiti iyi yanga iri muBulawayo neChishanu, uye ichange iri muHarare neMuvhuro.

Asi vakawanda muBulawayo vanoti mutemo uyu uchapa kuti vanhu vemabhizimisi vatize muZimbabwe kana kusada kutanga mamwe matsva.

VaPhilip Pasirayi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda nesangano reCentre for Community Development. VaPasirayi vanoti Zanu-PF iri kuda kushandisa mutemo uyu kutsvaga mavhoti panguva yesarudzo.