Mitengo yeZvinhu Yokonzera Inflation

  • Jonga Kandemiiri

Sangano reZimbabwe National Statistics Agency, iro raimbonzi Central Statistical Office, rinoti inflation yepagore yakakwira kubva pa 4.8 percent mumwedzi waKubvumbi kusvika pa6.1 percent mumwedzi waChivabvu, zvichikonzerwa nekukwira kwemitengo yezvekudya pamwe nemari dzekufambisa.

Mugwaro rarakaburitsa neChipiri, sangano iri rinoti inflation yepamwedzi yakakwirawo ne0.3 percent muna Chivabvu makare ichibvawo pa0.1 percent muna Kubvumbi.

Gwaro iri rinobuda panguva apo sangano reInternational Monetary Fund, IMF, riri kukurudzira Zimbabwe kuti igadzirise nyaya dzeupfumi, uye kumisa kukwidzwa kwemihoro, senzira yekuti inflation isakwire.

Nyanzvi munyaya dzezveupfumi, uye vakambotungamira sangano reConferderation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vanoti nzira chete ingaburitsa Zimbabwe kubva mudambudziko re inflation kutengesa zviwanikwa zvayo, zvikuru mangoda.

VaJokonya vanoti dambudziko guru ndere kuti maindasitiri mazhinji haasati ava kushanda zvizere, izvo zviri kuita kuti nyika irarame nekutenga kunze.