Zvichitevera kuurayiwa ne America kwakaitwa General Qassem Soleimani veku Iran mazuva maviri apfuura, Iran yazivisa kuti ichatsiva zvinorwadza kuurawa kwakaitwa General Soleimani avo vaionekwa semunhu wechipiri pamasimba evatongi veIran.
VaSoleimani vakaurawa apo America yakapfura nendege dzema'drone' motikari dzakange dzichifamba naVaSoleimani padyo nenhandare yendege muBaghdad.
Nemusi weSvondo, Iran yakazivisa kuti haisisiri muchibvumirano chekumbomira kugadzira zvombo zve nuclear.
America inoti yakauraya VaSoleimani nekuti vakange vachironga kurwisa America asi hapana humbowo hwakabudiswa hunoratidza zvinonzi zvairongwa neIran kana naVaSoleimani.
Vanotevera zvematongerwo enyika, VaFrenk Guni, vaudza Studio 7 kuti, sekuona kwavo, mutungamiri wenyika, VaDonald trump, vakauraya VaSoleimani senzira yekuti vanhu muAmerica vambomira kutaura pamusoro pekuwanikwa neparamende kwavo vaine mhosva yekuedza kumanikidza Ukraine kuti iongorore vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaJoe Biden nemwanakomana wavo uye nekuedza kudziviridza kuti paramende iongorore nyaya iyi.
Your browser doesn’t support HTML5
Asi VaMike Pompeo vanoona nezvekudyizana nedzimwe nyika muAmerica vanoti Suleimani aive munhu anopfurikidza mwero uye akaurayiwa kuchengetedza hupenyu hwevanhu vemuAmerica.