Kudyara mari mukambani iyi, kuchaona dhamu richivakwa, dzimba dzevanhu vanodarika chiuru dzichivakwa, zvikoro zviviri pamwe nechipatara
Kambani ye Impala Platinum Holdings inoti iri kuda kuisa hupfumi hwayo hwemari inoita mazana mashanu emamiriyoni emadhora, US$500 million, muimwe kambani yayo yeZimbabwe Platinum Mines (Zimplats).
Izvi zvikaitika, vanhu vanodarika chiuru chimwe chete vachawana mabasa matsva, izvo zvichafadza vanhu vari kutsvaga mabasa. Zimbabwe pari zvino haina mabasa akawanda, sezvo makambani mazhinji ari kushanda zviri pasi pemwero.
Vakafanobata chigaro cha Chief Executive we Zimplats, Va Patrick Shayawabaya, vanoti kudyara mari mukambani iyi, kuchaona dhamu richivakwa, uye dzimba dzevanhu vanodarika chiuru dzichivakwa, zvikoro zviviri pamwe nechipatara zvichivakirwawo vashandi vekambani iyi.