Komiti iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yeCopac, inonzi yakatsvaga nyanzvi mune zvemutemo kubva kumapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa, idzo dzinonzi dziri kuongorora gwaro rebumbiro remitemo ranyorwa kusvika pari zvino.
Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinonzi rakatumira mumiriri weMazowe Central, VaShepherd Mushonga, kwoti Zanu PF ichitumira gweta rebato iri, VaFredy Gijima, kwotiwo MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube ichitumirawo gweta rayo, VaJosphat Tshuma.
Chikwata ichi, icho chichishanda pamwe chete neCopac, chinonzi kubva neMuvhuro chaongorora zvikamu zvinoda kusvika gumi kubva pazvikamu gumi nezvinomwe zvakapedzwa zvegwaro iri.
Chikamu chimwe chete chasara ndechekuzvitongwa kwematunhu kana kuti devolution, uye chinonzi chichiri kuzeyiwa nezvacho.
Gurukota rinoona nezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vanoti musangano uyu uchanzwawo pfungwa dzemapato ezvematongerwo enyika kana vapedza kuongorora gwaro iri.
Pasi pechibvumirano chezvematongerwo enyika chakaumba hurumende yemubatanidzwa muna 2008, Zimbabwe inofanirwa kuumba bumbiro idzva pasati paitwa sarudzo munyika.
Asi mapato ari muhurumende ari kunetsana zvikuru pazvinhu zvinonzi zvakabva muvanhu kuti zviiswe mubumbiro idzva.
Sangano reNational Constitutional Assembly rinoti richakurudzira veruzhinji kuti vasatambire bumbiro idzva iri pareferendamu richiti zvido zvevanhu hazvina kuremekedza.
Sangano iri rakakurudzira vanhu muna Kukadzi 2000 kuti vasatambire bumbiro idzva rakanga ranyorwa.
Mutongi gava pagakava remuZimbabwe, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanoti mapato ari muhurumende anofanirwa kuzadzisa zvaakawirirana muchibvumirano cheGlobal Political Agreement.