Paita kukandirana makobvu nematete pakati peZimbabwe neAmerica panyaya yekodzero dzevanhu zvichiteverewa kuurayiwa kwemumwe murume mutema wekuAmerica, VaGeorge Floyd, pachipomerwa mapurisa mana mhosva yekumuponda.
America yakati Zimbabwe, China neRussia dzave kushandisa rufu urwu senzira yekuita tinhai dzirwe kukurudzira kurwisana kwemarudzi.
Nemusi weChina vakafanobata chigaro chemutauriri weZanu-PF, VaPatrick Chinamasa, vakashora zvikuru hurumende yeAmerica vachiti inodzvinyirira vatema vachiti mashoko aVaFloyd ekupedzisira ekuti handisi kukwanisa kufema anofanira kushandiswa nevanhu vemuZimbabwe, Iran neCuba semunongedzo wekuti havasi kukwanisawo kufema nezvirango zvavakatemerwa.
Asi America nedzimwe nyika dzakabudirira inoti zvirango izvi zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nenyaya yekutyora kodzero dzevanhu.
Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vakatowedzera zvirango izvi nerimwe gore.
Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBrian Nichols, vanoti vakauraya VaFloyd vakatosungwa asi Zimbabwe iri kutadza kusunga vakapamba Itai Dzamara, Patrick Nabanyama nevakawanda vanopomerwa mhosva yekuita vanhu kafiramberi.
Vanoti America haisi kuzomira kushora kutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti kodzero dzevanhu pasi rose dzinofanira kuchengetedzwa vakatiwo Zanu-PF haifanire kukwira pachuru ichishora vamwe iyo iinewo chitanda muziso.
Asi nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Muponda, vanoti America inofanira kuita senyika yakabudirira ichiremekedza kodzero dzevanhu sezvainokurudzirawo kune dzimwe nyika.
Vatiwo Zimbabwe haina simba rekuti muAmerica musave nekugadzikana.
Your browser doesn’t support HTML5