Harare Wetlands Trust inoti matoro munyika haasi kuchengetedzwa zvakakwana izvo zvichakonzera dambudziko remvura mumakore anotevera.
Nyanzvi munezvenharaunda, VaRob Cunlife vachitaura pamusangano wevatori venhau wakokerwa ne Harare Wetlands Trust vati tsvakurudzo yavakaita inoratidza kuti muHarare zvikamu makumi mashanu kubva muzana chematoro chakatoshandiswa kuiswa zvivakwa nezvimwewo. ka izvi zvine njodzi huru sezvo matoro achibatsira mukuwanikwa kwemvura muguta.
VaCunlife vanotiwo matambudziko anokonzerwa nekusachengetedza matoro ave kutoonekwa nekuda kwekunetsa kwemvura muHarare. Vakatiwo kusachengetedzwa kwematoro ayo anobatsirawo kuchenesa mvura kwave kukonzera kuti veruzhinji vasanwe mvura yeguta yeHarare, vachivimba nemvura yemuzvibhorani nematsime izvo zvavatiwo zvinokonzera kushomekao kwemvura pasi.
Mukuru weHarare Residents Trust VaPrecious Shumba vakataurawo pamusangano mumwewo vakati kunyangwe paine zvibvumirano zvakasainwa neZimbabwe zvekuchengetedza matoro, matoro ari munyika ari munjodzi.
VaShumba vakatiwo tsvakiridzo yakaiwa nesangano ravo kumusha weBudiriro uko vanhu vakavakira mumatoro yakabudisa pachena kuti vanhu veko havaoni pane chakaipa kuvakira mumatoro.
Vatiwo tsvakiridzo yavo yakabudisa kuti vanhu zvikamu makumi masere nezvitatu kubva muzana vakavakira mumatoro ava vanoti havamwiwo mvura yekanzuru nekuda kwekuti inoratidza kuti haina kuchena.
VaShumba vati kushaikwa kwenzvimbo dzekuvakira muguta reHarare ndiko kokonzera kuti vanhu vangovaka chero mumatoro kunyangwe zvazvo vachizotambura mukunaya kwemvura.
Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme vakaudza Studio 7 kuti varikurwisawo kuti matoro achengetedzeke vachiti ndiwo anoita kuti guta rirambe richiwana mvura.
Vakatiwo muHarare, njodzi huru mukuchengetedzwa kwematoro iri kubva kune avo vanotora nzvimbo dzekuvakira zvisiri pamutemo.
Studio 7 yatadza kunzwa kubva kuEnvironmental Management Agency (EMA) sezvo tatadza kubata mutauriri wesangano iri muzvare Amkela Sidange
Nyanzvi munezvenharaunda dzinoti Harare ikasachinja maitiro, mumakore gumi anotevera matoro anenge akanganiswa zvekuti mvura inenge yonetsa zvakanyanya.
Your browser doesn’t support HTML5