Mabhizimusi Ovhiringwa neKushaikwa kweMagetsi

  • Jonga Kandemiiri

Dambudziko rekushaikwa kwemagetsi munyika rinonzi rava kukanganisawo kufambiswa kwemabasa mumakambani akawanda, izvo zvinonzi zvava kuvhiringidza makambani mazhinji.

Kambani yemoto yeZESA yakazivisa mukupera kwesvondo kuti gwenya rekuHwange rakafa, zvekuti nyika yava kutongorarama nemoto unobva kugwenya reKariba, kuMozambique nekuZambia.

Gurukota rezvemhando dzemoto, Engineer Elias Mudzuri, vanoti moto wemagetsi uri kuwanikwa pari zvino, uri pasi pezvikamu makumi mashanu kubva muzana, zvemoto unofanirwa kunge uri munyika.

Chief Executive Officer veZESA, VaBen Rafemoyo, vakaudza sangano renhau reReuters kuti vanotairisira kuti Hwange inenge yava kushanda zvizere mukupera kwaKurume.

ZESA inonzi inoda mari inodarika $20 million kuti ikwanise kugadzirisa michina yayo isiri kushanda.

Mukuru wekambani yeCodChem, uye varivaimbove mutungamiri weZNCC, Amai Marah Hativagoni, vanoti makambani, zvikuru anogadzira zvekudya, ari kukanganiswa nekushaikwa kwemagetsi uku.