Komiti yeParamende Inorambidzwa Zvakare neMapurisa Kutaura neVanhu

  • Jonga Kandemiiri

Mapurisa ekwaMutare atadzisa zvakare komiti yeparamende inoona nezvemigodhi kusangana nevagari vemuguta iri, avo vanga vachida kunzwa pfungwa dzavo pane zviri kuitika kuminda yemangoda yekwaChiadzwa.

Izvi zvinonzi zvatsamwisa vanhu vakawanda avo vanga vachida kutaura uye kunzwa kubva kunhengo dzekomiti yeparamende iyi.

Imwe nhengo yekomiti yarambidzwa kusangana nevanhu kwaMutare, VaMoses Mare, vanoti hurongwa hwavo hauna kuzobudirira sezvo gavhuna weManicaland, VaChris Mushowe, vachishanda nemapurisa, vatadzisa kuenderera mberi kwemusangano uyu.

VaMare vanoti kunyange hazvo vanga vaine mapepa anodiwa kuti vaite musangano uyu, mapurisa haana kuzviteerera.

Nhengo dzekomiti iyi dzakarambidzwa zvakare neChitatu kuenda kuminda yemangoda kunoona mamiriro akaita zvinhu.

Musangano wekwaMutare wanga uri wekuda kunzwa pfungwa dzevanhu pazvinhu zviri kuitika panyaya yemangoda.

Zviri kuitika panyaya yemangoda ekwaChiadzwa yava kuburitsa pachena kudhonzeranwa kwemasimba pakati pedare reparamende nevamwe vakuru vari muhurumende.

Veruzhinji vanoti chiitiko ichi chinoburitsa pachena kuti pane zvikuru zviri kuitika kwaChiadzwa, izvo zvisiri kuda kuti zvionekwe nemaziso everuzhinji.

Svondo rapera, hurumende, kuburikidza nebazi rezvemigodhi, yakakanzura rezenisi rekambani yeAfrica Consolidated Resources iyo ine nyaya iri mumatare edzimhosva.

Ukuwo, vagari vekwaChiadzwa vanonzi vava kugara vakasunga midziyo yavo sezvo vakanzi vachatamiswa kubva munzvimbo iyi, kuitira kuti makambani ari kuchera mangoda, achere akasununguka.

VaTinovaziva Bere igweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vachishanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights. VaBere vanoti paramende ine masimba zvekuti haifanirwe kunge ichatadziswa kuita basa rayo nemapurisa. VaBere vanoti zviri kuitika zvinoratidza kuti munyika hamutevedzwi mitemo.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mutungamiri we sangano reCentre for Research and Development, VaFarai Maguwu, vanotiwo zviri kuitwa nemapurisa zvinoratidza kuti munyika hamusi kutevedzwa mutemo.