Bazi rezvehutano rinoti gore negore Zimbabwe inorasikirwa nemadzimai anosvika zviuru zviviri nekuda kwegomarara remuromo wechibereko uye vanoti madzimai anorarama nehutachiona hweHIV varipanjodzi yakakura yekubatwa nechirwere ichi.
Amai Winnie Munhenga avo vanorarama nehutachiona hweHIV/Aids vanoti kunyangwe hazvo vaive vararama nehutachiona uhwu kwemakore vanoti pavakabatwa kuti vane gomarara remuromo wechibereko vakarasa tariro yehupenyu.
Vanoti vaifunga kuti munhu akangoita gomarara remuromo wechibereko kureva rufu sezvo mishonga yechirwere ichi ichida mari yakawanda.
Asi Amai Munhenga vanoti dzidzo ndiyo yakazovabatsira mushure mekukuziva kuti gomarara remuromo wechibereko rikakurumidzwa kuonekwa rinorapika.
Hurumende yeAmerica kuburikidza nechirongwa che United States President’s Emergency Plan for Aids Relief kana kuti PEPFAR padandemutande rayo retwitter inoti irikupa Zimbabwe mamiriyoni mashanu kubatsira nechirongwa chekuti madzimai anorarama nehutachiona hweHIV akwanise kuongororwa gomarara remuromo wechibereko mushure mekuona kuti vazhinji varikufa.
Mukuru werimwe sangano riri kupihwa mari nePepfar reOrganization for Public Health Interventions and Development (Ophid) Doctor Theonevus Tinashe Chinyanga vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuongororwa gomarara iri sezvo richikwanisa kurapika kana risati rakomba.
VaChinyanga vanotiwo gomarara remuromo wechibereko kana roratidza zviratidzo rinenge ratodzika midzi izvo madzimai vasingafaniri kurega zvichiitika.
Vamwe chiremba vari nyanzvi mune zvezvibereko zvemadzimai (gynaecologist) Dr Angeline Mapanga vanoshandawo neOphid vanoti gomarara rechibereko iri rinokonzerwa neHuman Papiloma Virus inotapuriranwa pabonde.
Mumwe mukuru mubazi rezvehutano Doctor Bernard Madzima vanoti gomarara remuromo wechibereko idambudziko guru munyika. VaMadzima vanoti zvirongwa zvekuriongorora zvakazotanga mugore ra2012.
VaMadzima vanoti chero chirongwa chekuongorora ichi chakanonoka kutanga munyika parizvino Zimbabwe ine nzvimbo dzinosvika zana nemakumi matatu dzinoongorora gomarara remuromo wechibereko.
VaMadzima vaudzawo Studio 7 kuti kuburikidza nerubatsiro rwehurumende yeAmerica Zimbabwe yakawana rubatsiro rwekuongorora gomarara remuromo wechibereko kune vanorarama nehutachiona hweHIV/AIDS.
Bazi rezvehutano rinoti madzimai anemakore makumi matatu zvichikwira anofanirwa kuongororwa gomarara remuromo wechibereko kamwechete pamakore matatu uyewo avo vanorarama nehutachiona hweHIV/AIDS kamwechete pagore rega rega.
Your browser doesn’t support HTML5