Nzendo dzeMakurukota Dzinodya US$30 Million muMwedzi Mitanhatu

  • Gibbs Dube
Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vakaudza masangano enhau kuti mamwe makurukota ari kubuda kunze kwenyika, panzendo dzinenge dzisina kutambirwa nedare remakurukota.

Makurukota ehurumende anonzi ashandisa mari inodarika mamiriyoni makumi matatu emadhora ekuAmerica mumwedzi mitanhatu yapfuura.

Mari iyi inonzi yakashandiswa munzendo dzekunze kwenyika, dzimwe nzendo dzacho dzinenge dzakaitwa nenzira isiri kwayo.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vakaudza masangano enhau kuti mamwe makurukota ari kubuda kunze kwenyika, achienda kunzendo dzinenge dzisina kutambirwa nedare remakurukota.

VaBiti vanoti vachaburitsa pachena makurukota ari kuita zvakadai.

VaBiti vanotiwo vakasvitsva nyaya iyi kuvatungamiri vemapato ari muhurumende, vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, vaArthur Mutambara.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti Zimbabwe haina mari yakawanda zvakadai inofanirwa kuchishandiswa panzendo dzakadai.

VaMasimba Kuchera inyanzvi munyaya dzehupfumi uye vari mutevedzeri wasachigaro wesangano re Zimbabwe Coalition on Debt and Development.

VaKuchera vanoti dare remakurukota rakakurisa zvikuru, izvi zviri kupa kuti nzendo dzekunze kwenyika dzemakurukota aya, dzidye mari yakawandisa.