Machechi Onamatira Nyika paAfrica Day

  • Jonga Kandemiiri

Machechi akasiyana-siyana munyika, abatana mukunamatira matambudziko akatarisana nenyika. Matambudziko aya anosanganisira nyaya dzezvematongerwo enyika, dzeupfumi, dzekupodzwa kwemaronda, uye kuti vanhu vabatane nechinangwa chekuburitsa nyika kubva mumatope mairi.

Minamato yakadayi inoitwa musi wa25 Chivabvu gore roga roga kubva muna 1998. Hurongwa hwekunamatira nyika uhu, uho hwanga huri pasi pedingindira rinoti “Kupa rutendo kuna Mwari”, hwanga huchitungamirwa nesangano reIntercessors for Zimbabwe.

Vanhu vaungana muHarare, Marondera, Bulawayo, Chinhoyi nemamwe maguta. Zimbabwe iri kutarisana nematambudziko akawanda kunyange hazvo pava nehurumende yemubatanidzwa.

National Coordinator weIntercessors for Zimbabwe, Reverend John Chimbambo, vaudza Stduio7 kuti vanamatirawo vatungamiri venyika kuitira kuti Mwari avatungamire mumabasa avo.