Madzimai Akawanda Munyika Anonzi Haana Ruzivo rweHomwe yeMari yeBudiriro yeVanhukadzi

Rural women

Sangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development rinoti hurumende inofanira kushambadza zvakanyanya homwe yebudiriro yemadzimai, yeWomen Development Fund, richiti ongororo yarakaita inoratidza kuti madzimai akawanda munyika haana ruzivo pamusoro pehomwe iyi uye kuti inofambasei.

Kunze kwekusaziva nezvehomwe iyi, ongororo yeZIMCODD inoratidzawo zvakaoma kuti madzimai, zvikuru ekumaruwa, kuti awane mari iyi nekuti haana zvinodiwa kuti akwanise kuwana mari iyi.

Vamwe vaitungamira ongororo iyi, VaJohn Maketo, vaudza Studio 7 kuti panodiwa zvinhu zvakaita seProject Proposalizvo zvinoda magweta nehunyanzvi hwepamusoro.

Vatiwo panodiwa humbowo hwekuti munhu anogara papi izvo zvinoita kuti vaya vanogara kumaruwa vabhadhariswe chioko muhomwe nemasabhuku nemadzishe nevamwe vane mvumo yekupa matsamba akadai.

VaMaketo vati kana zvimhingamupinyi izvi zvikabviswa, madzimai akawanda anokwanisa kuwana mari kuba kuhomwe yeWomen Development Fund.

Mukuru wesangano rePlatform for Youth and Community Development, VaClaris Madhuku, avo vanoshandira kuChipinge vaudza Studio7 kuti vanobvumirana nemaonero eZIMCODD vachiti kana kwavanoshandira, vanoona madzimai achinetseka zvikuru kuwana mari pasi homwe yeWomen Development Fund kana zvimwe zvirongwa zvebudiriro.

Asi sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvemadzimai nemabhizimisi madiki, Amai Chido Madiwa, vati madzimai akawanda munyika anoziva nezvehomwe iyi nedzimwe asi kuti mari yacho ishoma chete.

Vati madzimai ndiwo akawanda kumabhizimisi madiki munyika nekudaro hurumende inofanira kuwedzera mari muhomwe dzakaita seWomen Development Fund neWomen Empowerment Bank.

Pasi pehomwe iyi, munhu kanachikwata chemadzimai chinopihwa mazana mana ezviuru zvemaRTGS kutanga kana kusimudzira mabhizimisi avo.

Ongororo yeZIMCODD, iyo yakaitwa matunhu ese gumi munyika pachibvunzurudzwa madzimai chiuru nemazana mashanu nemakumi mashanu nemumwe, inoratidza kuti zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvemadzimai munyika, hazina ruzivo nezvehomwe yeWowen Development Fund.

Women Development Fund iri pasi pebazi rezvemadzimai nemabhizimisi madiki uye hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rebazi iri, Amai Sithembiso Nyoni, vange vasati vapindura mibvunzo yatakavatumira.