Vanhu vakawanda muguta guru reHarare nemamwe maguta vanoti vari kushushikana zvikuru nehuwandu hwemapurisa anodzivirira mhirizhonga eriot police ari kutenderera mumigwgwa vachiti zviri kuratidza kuti hurumende iri kutyira kuti vanhu vacharatidzira sezvo zvinhu zvaita manyama amire nerongo munyika.
Kuwanda kwemapurisa uku kunouya mushure mekunge vechidiki vebato reMDC vhiki rapera vaudza vatori venhau kuti vachange vachiratidzira mwedzi uno vachinyunyuta nekuondomoka kwehupfumi munyika.
Izvi zvii kuuyawo panguva imwe chete masangano akawanda anomirira vashandi vehurumende ari kutiwo ari kuronga kuratidzira nekuramwa mabasa sezzvo mari dzavari kutambiriswa szemaRTGS dziri kuramba dzichishaya simba.
Sachigaro wevechidiki muMDC Youth Assembly VaObey Sithole vakati bato ravo raizoratidzira kusvika nyaya yehurombo munyika yagadziriswa sezvo veruzhinji vari kudya nhoko dzezvironda nenhamo.
Munyori muboka revechidiki muMDC VaGift Ostallos Siziba vaudza Studio 7 kuti mapurisa aya aiswa mumadhorobha ese uye vakati vanoona sekuti hurumende iri kutya kuti vanhu vanogona kuratidzira.
Mumwe mugari wemuHarare VaStanford Nyatsanza vanotiwo vakatyamadzwa nehuwandu hwemapurisa mudhorobha.
VaNyatsanza vatiwo vanoona sekuti kuonekwa kwemapurisa akawanda inzira yekutyityidzira veruzhinji.
Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Doctor Bekezela Gumbo vanoshanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute vaudza Studio 7 vatenderana nepfungwa iyi vakatiwo kana vanhu vave nekutya havakwanisi kutaridza kusagutsikana kwavo sezvinotenderwa nebumbiro remitemo renyika.
Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vati hapana zvinoshamisa mukuvapo kwemapurisa akawanda vachiti varikuita basa ravo sezvinotaurwa mubumbiro remitemo yenyika.
Gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika Amai Oppah Muchinguri-Kashiri vakatiwo hurumende kuburikidza nemauto vakagadzirira kumisa mhirizhonga munyika.
Zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika munyaya dzezvehupfumi. Mitengo yezvinhu iri kukwira nguva nenguva ukuwo mari yeRTGs iri kudzikira huremu zvichienzaniswa nedhora rekuAmerica.
Your browser doesn’t support HTML5