Chirongwa cheYouth Service Chokonzera Mutauro Mukuru

Masangano akazvimirira oga anoti aendesa chichemo chawo kumutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe negurukota rezvechidiki, VaSaviour Kasukuwere, chekuti hurumende imbomisa chirongwa che national youth program.

Masangano aya anoti akasvitsa chichemo ichi neChipiri kuna VaKasukuwere. Masangano aya anoti anoda kuti chirongwa ichi chitangwe kana sarudzo dzaitwa, sezvo paine kutyirwa kuti vechidiki vanenge vari muchirongwa che national youth program, vanogona kushandiswa nevanoita zvematongerwo enyika. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende.

Asi mashoko atiri kutambira anoti hurongwa uhu huchatangwa muna Chivabvu gore rino. Chimwe chichemo chamasangano aya ndechekuti vechidiki havafanirwe kumanikidzwa kuti vapinde muhurongwa uhu.

VaSidney Chisi ndivo mutungamiri weYouth Intiative for Democracy In Zimbabwe, sangano riri kutangamira hurongwa hwekuti hurumende imbomisa chirongwa che youth service.

VaChisi vanoti vakamirira mhinduro inobva kuhurumende pamusoro pechikumbiro chavakaita.