VaMugabe Vanodomwa seMumwe weVatungamiri Vanovenga Vatori veNhau

  • Jonga Kandemiiri

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva reWorld Press Freedom. Masangano ane chekuita nekutorwa kwenhau muZimbabwe apinda mumigwagwa yemuHarare achiratidzira kunyunyuta kwavo nekusavepo kweshanduko munyaya dzekufambiswa kwemabasa enhau.

Masanganano anoti Zimbabwe Union of Journalists, Misa-Zimbabwe, Media Monitoring Project of Zimbabwe, Zimbabwe National Editors Forum, achishanda akasimudza mureza weMedia Alliance of Zimbabwe, asvitsa gwaro rawo renyunyuto kuna sachigaro weZimbabwe Media Commission, VaGodfrey Majonga.

Zimbabwe Media Commission inonzi yacherechedzawo zuva iri muHarare. Zuva iri ranga riri pasi pedingindira rinoti Freedom of Information; The Right to Know.

Gwaro rasvitsa nemasangano aya ranga richikurudzirawo kuti mitemo yakaita se AIPPA, iyo inonzi inodzvanyirira masangano pamwe nevatori venhau, ivandudzwe kana kubviswa.

Mamwe masangano anoti reNCA, ne ZINASU, atorawo mukana uyu kutenda basa riri kuitwa nevatori venhau mukuburitsa kutyorwa kwemitemo munyika.

Mumashoko ayo, NCA inoti kunyange hazvo ichitambira shanduko mundima yezvekutorwa pamwe nekufambiswa kwemashoko, uye kuumbwa kweZimbabwe Media Commission, hapana shanduko yati yaonekwa yaunzwa nehurumende yemushandira pamwe.

Misa-Zimbabwe inotiwo tarisiro yaivepo pakaumbwa hurumende yemushandira pamwe, haina kwayasvika, sezvo hurumende iyi, iri kutadza kuunza shanduko inodiwa.

ZINASU inotiwo inoremekedza vatori venhau vakasangana nematambudziko munzira yekuunza rusununguko munyaya dzekutorwa pamwe nekuburitswa kwenhau.

Zimbabwe inonzi nemamwe masangano imwe yenyika dzakaoma kuti vatori venhau vaite basa ravo vakasununguka. NeMuvhuro, sangano re Reporters Without Borders, radoma mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, sevamwe vevatungamiri vanodzvanyira vatori venhau. Vamwe vatungamiri vadomwa nesangano iri vanosanganisira mutungamiri weEritrea, VaIsaias Afwerki, pamwe nemutungamiri weGambia, VaYahya Jammeh.

VaEdson Madondo, avo vanoshanda sachipangamazano musangano reMedia Monitoring Project Zimbabwe, vaudza Studio 7 kuti hurumende iripo inofanirwawo kuratidza kuti iri kushanda nekubvisa mitemo yakaita seAIPPA, iyo inoomesera kutorwa kwenhau kwakasununguka.