Vagari vekuMasvingo vari kuita maonero akasiyana-siyana pamafambisirwo akaitwa nyaya yaive mudare reConstitutional Court neChitatu.
Vagari vazhinji vari kupesana pamaonero avakaita vamwe vachiti dare rakabata nyaya iyi zvakanaka , vamwe vachiti vatongi vairatidza kuti vane divi ravakarerekera.
Mugari wekwaMajange, Muzvare Precious Manyoka, vanoti akaona kutongwa kwenyaya yose paterevhizheni.
Asi vanoti vatongi havana kuenzanisa magweta pakubvavunzurudza.
Asi vamwe vagari vanoti nyaya yakabatwa zvakanaka nevatongi vachiti vakapa mikana yakafanana kumagweta ose.
Mumwe wevanhu ava, Muzvare Jean Mutande, vanoti vatongi vakaita basa ravo nemazvo pasina kutora divi uye vanotarisira kuti vachapa mutongo unogutsa veruzhinji.
Vamwewo vanoti zviri pachena kuti vatongi vaiva nedivi kubudikidza nekuvhunzurudza kwakanyanya kwavakaita gweta remutungamiri weMDC Alliance, VaThabani Mpofu, asi vasina kuzoita zvimwe chetezvo kumagweta eZanu PF ne eZimbabwe Electoral Commission.
VaEdmore Mutangamira vanoti havana chivimbo chekuti vatongi vachapa mutongo uri wakanaka nekuti vakaratidza divi ravo pakutonga nyaya iyi.
Asi Amai Revai Moyo vanopikisana nemafungiro akadai vachiti vatongi vakaita basa ravo zviri pachena uye mutongo uchabuda unofanira kutambirwa nemunhu wese.
Vamwewo vakaita saVaThomas Mbetu vanoti magweta akamirira VaChamisa nemutungamiri weZanu PF, VaEmerson Mnangagwa, vakagona kukakavadzana uye vachiratidza pasi rose kuti zvakabuda munsarudzo zviri kukonzera mutauro mukuru.
Vatongi vapfumbamwe vaitungamirwa na Justice Luke Malaba vakati vachapa mutongo wavo neChishanu.
Your browser doesn’t support HTML5