Mauto Anoti Agadzirira Kudzokera kuMakamba Avo Sezvo Apedza Basa

  • Blessing Zulu

Mumwe mukuru wemauto Major-General Douglas Nyikayaramba vanoti mauto akwanisa kuunza runyararo mushure mekuratidzira kune mhirizhonga mukati nekudaro vagadzirira kudzokera kumakamba avo kana mapurisa ati haachadi rubatsiro.

Vachitaura nevatori venhau muHarare nezuro, VaNyikayaramba vakati mauto achaita ongororo yezvavari kupomerwa zvekutyora kodzero dzevanhu asi vakati pane vanhu vakaba pfuti nehembe dzemauto vakanobata madzimai chibharo nekupfura vanhu.

Nyaya yekuti mauto ari kushungurudza vanhu iyi imwe nyaya yakapa kuti bato guru rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa rirambe kuita hurukuro nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro.

Mashoko aya atsinhirwawo nemutauriri weNPF VaJealousy Mawarire vanoti hakuna nhaurirano dzingaitwa mauto achirura mudzimba dzevanhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJealousy Mawarire