Zimbabwe Yokurudzirwa Kuongorora Kutyorwa kweKodzero dzeVanhu neMauto

  • Blessing Zulu

Masangano akawanda anorwira kodzero dzevanhu nemusi weChishanu akakurudzira hurumende yeZimbabwe kuti itange kuongorora nyaya dzemauto nemapurisa anonzi ari kuuraya vanhu, kuvaita kafiramberi, kubata madzimai chibharo.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reAmnesty International rakaburitsa mashoko kuvatori venhau richikurudzira hurumende kuti itange kuferefeta nechimbi chimbi nyaya dzemauto ari kupomerwa mhosva dzekutyora kodzero dzevanhu mushure mekuratidzira kwakaitwa munyika kutanga neMuvhuro svondo rapera.

Mukuru weAmnesty International kuchamhembe kweAfrica, VaDeprose Muchena, vanoti kana vana vadiki vamwe vane makore gumi nerimwe vari kushungurudzwa nemauto aya.

Vatiwo vanhu gumi nevaviri vakafa mukuratidzira uku vanodarika mazana manomwe vakasungwa.

Asi vachitaura neStudio 7 gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vanoti kana paine mauto ari kuita izvi vanofanira kusungwa.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vaudza nhepfenyuro yeAP kuti mapurisa haasati apirwa nyaya dzevanhu vakabatwa chibharo.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, Amai Oppah Muchinguri, sezvo nharembhozha yavo yange isiri kudairwa.

Asi mukuru wesangano werimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti kune nzvimbo dzine chitsama dzakabatwa madzimai chibharo.

Nyaya dziri kupomerwa mauto nemapurisa idzi dzave kupa kuti vakawanda kune dzimwe nyika vati Zimbabwe inofanira kurangwa kana kuti dzimwe nyika dzipindire.

Nhengo yeEuropean Parliament, VaGeoffrey Van Orden, vati EU inofanira kutemera vamwe vanhu vari muhurumende zvirango nenyaya yekutyora kodzero dzevanhu.

VaOrden vati vanhu vari kushungurudzwa zvakanyanya kutodarika zvaiitwa munguva yevaive mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Vati vasungwa vose vanofanira kusungunurwa munyika motanga nhaurirano. Asi Nhepfenyuro yeAFP inoti vanhu vanodarika chiuru nezana rimwe chete vasungwa.

Amnesty International inotiwo vanachiremba veZimbabwe Association of Doctors for Human Rights vari kutyisidzirwawo uye kurambidzwa kuona vasungwa vakakuvara vari mumajeri.

Gurukota muhurumende yeBritain, Amai Harriet Baldwin, avo vari pamakurukota ekutanga eBritain akaenda kuZimbabwe pakagadzwa VaMnangagwa, vakurudzira VaMnangagwa kuti vasunge mauto ari kutyora kodzero dzevanhu.

Vati moyo wavo wakarwadza zvikuru apo nhenpfenyuro yeITV yakaburitsa mavhidhiyo emadzimai ainge abatwa chibharo.

Masangamo anorwira kodzero dzevanhu muNambia pasi peNamibian Civil Society Organizations anyorerawo tsamba yenyunyuto kumututungamiri wenyika iyi, VaHage Geingob, vanova sachigaro weSADC, kuti vapindire kumisa zviri kuitwa nehurumende yeZimbabwe izvi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Blessing Zulu