Mhemberero dzeMDC Dzoitirwa kuRufaro Stadium neMugovera

Movement for Democratic Change (MDC) supporters hold a poster of leader Nelson Chamisa during the party's 19th-anniversary celebrations in Harare, Zimbabwe, Saturday, Oct. 27, 2018.

MDC inotungamirwa naVa Nelson Chamisa iri kuita musangano wayo nemusi weMugovera mu Rufaro Satdium, ichipemberera kusvitsa kwayo makore makumi maviri kubva zvayaumbwa muna Gunyana 1999.

Bato iri rakamisa mhemberero dzaro svondo rapera richiti zvakanga zvisingaiti kuti rionekwe riri mumafaro panguva iyo nyika yaichema kushaya kwevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Murongi wemisangano mubato iri, Va Amos Chibaya, vanoti hurongwa hwavo hwuri mugwara uye vari kutarisira nhengo dzavo dzakawanda pamwe nemadzisahwira avo kunge vari ku Rufaro Stadium nemusi weMugovera.

ZDI Director Dr Pedzisai Ruhanya left and MDC-T Organising Sec Amos Chibaya

Bato iri rinoita mhemberero dzaro vakawanda vakawanda bato iri vasisipo. Vanhu vanaosanganisira mutungamiri webato iri wekutanga, muchakabvu Morgan Tsvangirai; mutevedzeri wemutungamiri webato wekutanga, muchakabvu Gibson Sibanda; mutauriri webato wekutanga, muchakabvu Learnmore Jongwe; sachigaro wekutanga, muchakabvu Issac Matongo; pamwe nevamwe vanoti Muzvare Getrude Mthombeni; muchakabvu Tonderai Ndira nevamwe.

Morgan Tsvangirai

VaChibaya vanoti vakatozivisa mapurisa nezvemusangano wavo, uye vari kutarisira mamwe mapato anopikisa kusanganisira anobva kunze kwenyika kunge ari pambemberero dzavo dzinotanga mangwanani dzichipera na 5pm dzezuva rodoka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaAmos Chibaya