Mbuya Chamisa Vanovigwa Zvine Mutsindo kwaGutu

Mbuya Chamisa Burial8

Vanhu vakawanda kubva kumativi mana enyika, zvikuru vatsigiri veMDC Alliance, vaungana neChitatu kwaGutu vachionekana nemutumbi waAmbuya Alice Chamisa, amai vemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, avo varadzikwa kumusha kwavo

Mazana nemazana evanhu vaungana muraini rekwaChidyamakuni mudunhu raIshe Chiwara, vachiona kuradzikwa kwaAmbuya Chamisa.

Mbuya Chamisa Burial

Asi mutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, vatadza kubata maoko sezvo vechidiki veMDC Alliance vavatadzisa kuita.

VaChamisa vazobuda panze vachirambidza vatsigiri vavo kuvharira Muzvare Khupe, asi Muzvare Khupe vange vatosimuka nemotokari vachityira mhirizhonga seyakamboitika pavakaenda kunochema mutungamiri weMDC wekutanga, VaMorgan Tsvangirai, muna 2018.

VaChamisa vashora zvikuru zvaitwa nevechidiki vakati maitiro akadai haana kunaka munyika inofanirwa kunge ichiremekedza mafungiro akasiyana siyana. VaChamisa pfungwa dzekurwisa munhu waunopesana naye dzakaipa zvikuru vakati chinhu chakanaka kuti uratidze munhu waunopesana naye kunaka kwako izvo zvatambirwa nemutsindo nevanhu vanga vari panhamo iyi.

Mbuya Chamisa Burial

Vanhu vataura pakuradzikwa kwAmbuya Chamisa vavarumbidza semunhu aive nerudo uye aitya mwari izvo zvaiita kuti vagarisane nevamwe zvakanaka.

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC Alliance, Amai Lynett Karenyi Kore, vati Ambuya Chamisa vaenda panguva yakaoma apo vaigara vachirwadziswa nekushungurudzwa kunoitwa mwana wavo mune zvematongerwe enyika.

Mumwe mutevedzeri waVaChamisa, VaTendayi Biti, vati bato ravo rarasikirwa naAmai vakavaberekera mutungamiri anotarisirwa neruzhinji rwenyika kubudisa vanhu mumatambudziko avari kusangana nawo munyika.

VaTendai Biti

Mumwe muvakidzani wa Mbuya Chamisa, Ambuya Taona Muteswa, vatiwo vanhu vekwa Chiwara varasikirwa nemudzimai aibatanidza vanhu uye akashanda nesimba kuendesa vana kuchikoro avo vave vatungamiri.

Munyori wezvemabasa negariro akanaka evanhu muchikwata chevadiki muMDC Alliance, VaMakomberero Haruzivishe ,vati Ambuya Chamisamubereki ange achigara achishungurudzwa nezviri kuitika mumusangano sezvo mwana wavo ari kukutsirana nevakapatsanuka avo vanonzi vari kushanda nebato reZanu PF.

Mbuya Chamisa, avo vange vave nemakore makumi matanhatu nematanhatu ekuberekwa, vanonzi vakadonha vari mubindu ravo remuriwo ndokubva vashaya ipapo nemusi weMuvhuro.

Mbuya Chamisa vasiya murume, VaSlyvanos Chamisa, nevana vana.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godfrey Mtimba