MDC Inoenda kuZimExpo kuChicago

  • Blessing Zulu

MDC Symbol

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kugara muAmerica, Canada, Mexico, Europe nezvimwe zvabva kuZimbabwe, zviri pagungano remazuva matatu riri kuitirwa kuChicago pasi pehurongwa hweZimExpo.

Gungano iri rinoitwa kamwe chete pagore paine makwikwi ekutsvaga tsvarakadenga, kana kuti Miss Zimbabwe USA, misika yekutengeserana, mitambo yenhabvu nezvimwe.

Muzinda weZimbabwe muAmerica unobatsirawo pagungano iri zvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvichida magwaro ekufambisa anenge apera.

Gore rino vaimbi vane mukurumbira, Cindy Munyavi naJah Signal vanenge vachifadza vanhu kuZimExpo, iyo inopera nemusi weSvondo..

Kekutanga kubva zvaparurwa chirongwa cheZimExpo, bato guru rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa riri kuzvishambadzawo kuZimExpo yegore rino.

Nhengo yeMDC mudunhu reNorth America, Doctor Gadziro Gwekerere, vanoti bato ravo rakatora danho rekuve kuZimExpo kuitira kuti vasangane nezvizvarwa zveZimbabwe zvinobva mumatunhu akasiyana siyana.

Doctor Gwekwerere vanotiwo vachange vachikurudzira vanhu kuti vapinde mubato ravo pamwe nekuvaudzawo zviri kuitika kumusha.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Gadziro Gwekwerere

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuZimExpo, VaKudakwashe Chisepo, vanoti vari kuZimExpo yegore rino kunoona hama neshamwari.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKudakwashe Chisepo