Mutungamiri weMovement for Democratic Change, MDC, VaNelson Chamisa, vanzwa kutambura kuri kuita veruzhinji apo vashanyira misha inogara veruzhinji muHarare.
Vagari vemunzvimbo dzakasiyana siyana muHarare vaudza VaChamisa kuti vari kunyanyonetsekana nekukwira kwemitengo yezvinhu, kushaikwa kwemari, kushaikwa kwemabasa, kushaikwa kwemafuta edzimotokari, kunetsa kuri kuita magetsi, dambudziko remvura pamwe nekushaya zvekudya.
Mumwe wevanhu ava, Amai Grace Mutuhwa, avo vane makore makumi mashanu nemasere ekuberekwa, uye vachigara kuHighfield, vati vari kunhonga svosve nemuromo.
Amai Mutuhwa vati havana zvekudya, havana magetsi uye havasi kukwanisa kurarama zvakanaka..
Mumwe Mugari wekuGlen Norah, Amai Stella Murwira, vatiwo vari kushuvirawo kuti mitengo yezvinhu idzike. Amai Murwira vati pari zvino vari kudya kamwe chete pazuva nekuda kwekushaya.
Mumwe mugari wekuGlen Norah C, VaDouglas Chakupara, vati dai mafuta edzimotokari adzika mutengo vachiti ndiwo ari kukonzera kuti zvimwe zvese zvikwire.
VaChakupara vati vanoshamiswa kunzwa hurumende ichiti mitengo iri kudzika, iyo iri kukwira zvakanyanyisa.
VaCaleb Gwindingwi vaudzawo VaChamisa kuti shuwiro yavo ndeyekuti paite hurukuro pakati pavo nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti zvinhu zvigadzirike munyika.
VaChamisa vati mitengo yezvinhu iri kukwira izvo zviri kusiya veruzhinji vasina chekubata. Vati veruzhinji vari kutambura zvakanyanya.
VaChamisa vati vacharamba vachikurudzira hurukuro neVaMnangagwa senzira yekuedza kugadzirisa matambudziko akatarisana nevanhu.
Asi imwe nhengo yevechidiki mubato reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati zvaitwa naVaChamisa hazviunzi pundutso.
VaMugwadi vati nhamo iri munyika iri kukonzerwa nezvirango zvehupfumi zvavanoti zvakakumbirwa nebato reMDC.
Asi MDC inoti zvirango izvi zvakatemerwa vari muhurumende vanozivikanwa kuti vanotyora kodzero dzevanhu.
Dzimwe nzvimbo dzashanyirwa naVaChamisa dzinosanganisira musha weBudiriro, Highfields pamwe neGlen Norah.
Your browser doesn’t support HTML5