MDC Inochengetedza Chigaro cheMudzimai muPresidium

Amai Lynette Karenyi Kore

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa yakaita musangano wayo weNational Council neMugovera ikabuda nezvisungo zvakati kuti.

Chimwe chezvisungo izvi ndechekuti muhutungamiri hwebato, kana kuti presidium, munofanirwa kuva nemunhukadzi.

Madzimai akadomwa kuti akwikwidze chigaro chemutevedzeri wemutungamiri webato ndiAmai Lillian Timveos, Amai Lynette Karenyi Kore, naAmai Tracy Mutinhiri.

Pari zvino Amai Timveos ndivo vakadomwa nematunhu akawanda.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, uye dziri nhengo dzeMDC dzinoti kunyange hazvo Amai Timveos vachizivikanwa nehutungamiri muMDC, Amai Karenyi Kore mudzimai anozivikanwa zvikuru muMDC yose sezvo vakashanda zvakasimba sasachigaro wemadzimai mumatunhu akawanda munyika yose, izvo zvinogona kuti vakunde pakongiresi yemuna Chivabvu.

APTOPIX Zimbabwe Morgan Tsvangirai

Nyanzvi idzi, idzo dziri kuziva zviri kuitika mubato iri, dzinotiwo hadzioni Amai Mutinhiri vachiwana mavhoti akawanda, nokudaro mutambo mukuru uri pakati paAmai Timveos naAmai Karenyi Kore.

Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vanoti kanzuru yepamusoro soro yebato ravo yakaona zvakakodzera kuti chimwe chigaro chehutungamiri hwepamusorosoro hwebato, chive chemudzimai.

Kunyange hazvo bato rakabuda nechisungo ichi, hwuwandu hwemadzimai mu presidium hwushoma zvikuru kana zvichienzaniswa nedonzvo rebato rekuti vanhukadzi vaenzane nevanhurume muzvigaro zvepamusoro soro.

VaMafume, avo vakadomwa kuti vakwikwidze chigaro chemutauriri webato pakongiresi mwedzi unouya, vanoti bato ravo rakatambira zvakabva kumakongiresi ematunhu, uye wakazivisa vose vari kuda kukwikwidza kukongiresi mwedzi unouya vakadomwa kukwikwidza zvigaro zvinodarika chimwe chete, kuti vasarudze chigaro chimwe chete chavachakwikwidza.

Vati izvi zvinofanirwa kuitwa nemusi weChitatu.

Matunhu gumi nematatu eMDC, kusanganisirawo matunhu ari kunze kwenyika anoti North America, South Africa neUnited Kingdom, akapedza kuita makongiresi awo senzira yekugadzirira kongiresi huru ichasarudza hutungamiri hutsva.

Kongiresi iyi iri kuitirwa muGweru, uye ndeyechishanu kubva bato iri raumbwa muna 1999.

Movement for Democratic Change (MDC) supporters hold a poster of leader Nelson Chamisa during the party's 19th-anniversary celebrations in Harare, Zimbabwe, Saturday, Oct. 27, 2018.

VaChamisa vakadomwa nematunhu ose kuti vakwikwidze chigaro chemutungamiri webato pasina anovakwikwidza.

Vakadomwa kukwikwidza chigaro chemutevedzeri wemutungamiri webato vanosanganisira VaMorgen Komichi, VaWelshman Ncube, VaTendai Biti, naVaElias Mudzuri.

Muzvare Thabitha Khumalo vakadomwa nematunhu akawanda kuti vave sachigaro webato, ukuwo VaChalton Hwende vakadomwawo kuti vakwikwidze chigaro chemunyori mukuru webato. Vamwe vakadomwa pachigaro ichi ndiVaWelshman Ncube naVaDouglas Mwonzora.

VaAmos Chibanda ndivo vakadomwa nematunhu akawanda kuti vave murongi wemisangano.

Kongiresi yebato iri kuitika mushure memwedzi inodarika gumi nemina zvichitevera kushaya kwemutungamiri wekutanga webato, VaMorgan Tsvangirai, avo vakashaya gore rapera muna Kurume.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJacob Mafume