Bato reMDC inotungamirwa naVa Nelson Chamisa rinoti harisi kufara zvikuru nemashoko akataurwa nemutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, ekufananidza VaChamisa nemupanduki, kana kuti Satani.
Vachitaura nevatori venhau neChipiri pamusangano wakapindwawo nemutungamiri we South Africa, Va Cyril Ramaphosa, VaMnangagwa vakati VaChamisa vaive munhu akafana na Satani, uyo akaramba kugarisana zvakanaka naMwari kudenga.
Mashoko aVaMnangagwa haana kufadza MDC sezvo akauya panguva iyo vanhu munyika vari kuedza kutsvaga nzira dzekutaurirana kuitira kuti matambudziko ezvematongerwo enyika, pamwe nenyaya dzehupfumi dzagwadama, dzigadziriswe.
Studio7 haina kukwanisa kubata mutauriri waVaChamisa, Doctor Nkululeko Sibanda, kuti tinzwe divi raVaChamisa pamashoko aVa Mnangagwa aya.
Asi mumashoko avo avatumira kuvatori venhau, mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vanoti VaMnangagwa vanofanirwa kuziva kuti mashoko avanotaura akadai, anogona kukonzeresa kusawirirana munyika.
VaMafume vanoti bato ravo riri kugara rakanzwa mashoko asina kunaka kubva kuna VaMnangagwa, uye mutungamiri weZanu PF ari kuramba achienderera mberi nemutauriro ake.
VaMafume vanoti kutaura chokwadi; chinonzi mupanduki, munhu anotadza kuzadzisa zvido zvehofisi yaakatorera mhiko, uye kutadza kuremekedza bumbiro remitemo yenyika.
VaMafume vanoti mupanduki munhu anoramba achityora bumbiro remitemo yenyika, uye achitadza kuchengetedza kodzero dzezvizvarwa zvenyika pamwe nekushandisa mapazi ehurumende mukudzvanyirira pamwe nekukonzeresa kufa kwevanhu vasina mhosva.
Studio7 haina kukwanisa kubata mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, kuti tinzwisise zvaifungwa naVaMangagwa pavakataura mashoko aya pamberi paVaRamaphosa.
Imwe nhengo yeMDC mudunhu reNorth America, Va David Siyampondo, vanoti mashoko aVaMnangagwa anoratidza kushaya hudzamu kwavo mumafungiro avo munyaya dzematongerwo enyika.
VaSiyampondo, avo vanogara mudunhu reNorth Dakota, vanoti MDC yakapa VaChamisa masimba ekuita nhaurirano dzakanangana nekugadzirisa zviri kunetsa munyika.
Asi VaSiyampondo vanoti zviri pachena kuti mashoko aVaMnangagwa anoratidza kuti VaMnangagwa nebato ravo vari kutya kuita nhaurirano neMDC.
VaSiyampondo vanoti zviri pachena kuti VaChamisa vakakunda VaMnangagwa musarudzo gore rapera, asi bato ravo rakazvipira kutsvaga nzira dzekugadzirisa zviri kunetsa murunyararo sezvo Zimbabwe iri nyika yemunhu wese kwete kuti yebato rimwe chete.
Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti gakava riri muZimbabwe rinopera chete nenhaurirano sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka.
VaChamisa vakabuda pachena kuti havasi kuzocherechedza VaMnangagwa semutungamiri wenyika akasarudzwa nevanhu vachiti ivo VaChamisa ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika yakaitwa gore rapera.
Asi Zanu PF inoti ndiyo yakakunda musarudzo iyi sezvo dare reConstitutional Court rakatambira zvakaburitswa neZimbabwe Electoral Court zvekuti VaMnangagwa ndivo vakanga vakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.
Asi MDC inoti zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika zvainazvo kubva kunhengo dzayo dzaive munzvimbo dzose dzaivhoterwa, zvinopesana zvikuru nezvakaburitswa nasachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Amai Priscilla Chigumba.
Masangano eEuropean Union Observer Mission, Commonwealth Observer Mission, International Republican Institute, neNational Democratic Institute nemamwe, akati sarudzo dzemuZimbabwe dzakange dzisina kuchena, kusununguka uye dzisingatambirike nepamusana pezvikonzero zvakati kuti.
Asi SADC neAfrican Union, segaroziva nguva dzose, dzakati sarudzo dzemuZimbabwe dzainge dzaitwa nenzira inotambirwa nepasi rose.
Kuitira kuti nyika ifambire mberi, VaSiyampondo vanoti nhaurirano dzinofanirwa kuitwa munyika, asi hadzifanirwe kutungamirwa nemunhu ari pakati pevanhu vari kukakavadzana, asi kuti pave nemuyananisi wechokwadi asina divi raakarerekera.
Your browser doesn’t support HTML5