MDC-T Yochema Chema neVatori veNhau veZBC neZimpapers Vari Kupinda muSarudzo dzeZanu-PF

VaEmmerson Mnangagwa

Bato rinopikisa reMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa rinoti harisi kufara nenyaya yekuti vamwe vatori venhau kubva kumakambani ehurumende eZimbabwe Broadcasting Corporation neZimpapers vakakwikwidza musarudzo dzemaprimary dzebato reZanu PF vachiti izvi zvinoratidza pachena zvavagara vachitaura kuti makambani aya akarerekera kuZanu PF.

Munyori anoona nezvesarudzo mubato iri, VaMurisi Zwizwai, vati vachakwidza nyaya iyi kuZimbabwe Electoral Commission neZimbabwe Media Commission sezvo vave nehumbowo.

VaZwizwai vati vanoziva kuti zvimwe zvaidiwa kuti munhu akwikwidze musarudzo idzi ndezvekuti aifanira kunge ave nemakore mashanu kana kudarika ari muZanu PF uye izvi zvinoreva kuti vatori venhau ava vagara vari nhengo dzeZanu PF.

Vati zvichanetsa kuti vatapi venhau ivava vatape nhau pamisangano yemapato anopikisa nekuti vave kuzikanwa kuti enhengo dzeZanu PF.

VaZwizwai vati havatarisiri kuti vanhu vanoshandira makambani ehurumende akaita seZBC neZimpapers vaite basa vane mapatao avakarerekera.

Vachakwikwidza sarudzo dzekanzuru kuWard 16 vakamirira MDC-T, VaDenford Ngadziore, vanoti vave kutokanganwa nezveZBC.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, Muzvare Gladys Hlatshwayo, vati zviri kuitika zvinoratidza pachena kuti sei mitemo yekutapwa kwenhau nekutepfenyura ichifanira kuvandudzwa.

Mukuru weZBC, Patrick Mavhura, vaudza Studio 7 kuti kambani yavo inobvumidza kuti vashandi vayo vanenge vachida kupinda musarudzo vatore mazuva avo ezororo kuti vandotsvaga rutsigiro nekukwikwidza vakamirira mapato avanoda.

Vati vashandi ava vakasununguka kudzoka kubasa kana vachinge vakundikana asi chinodiwa ndechekuti vatevedze mutemo webasa chete.

VaMavhura vati Tendai Munengwa, Andrew Neshamba, Richmond Siyakurima nevamwe naOmpile Marupi vakatevedza zvese zvinodiwa pabasa nekudaro hapana chavakakanganisa.

Marupi akakunda musarudzo idzi uye VaMavura vati ari kuenderera mberi uye anozosiya basa kana achinge akunda musarudzo dzeZEC.

Asi VaNigel Nyamutumbu vachitaura vakamirira masangano anomirira vatapi venhau musangano re Media Alliance of Zimbabwe vati hapana chakashata kuti vatori venhau vapinde mune zvematongerwo enyika asi havafaniri kuita izvi vari pabasa.

Vati veruzhinji havazonzwisisa kuti chii chiri kuitika zvikuru sei kana vatapi venhau vakaita zvematongerwo enyika vachiri pabasa.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya