Nyanzvi Dzozeya Mamiriro Akaita Zvinhu Munyaya dzeKuburitswa kweNhau

WORLD PRESS FREEDOM DAY

Apo Zimbabwe iri kubatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva rekuburitswa kwenhau zvisina kumbunyikidzwa pasi rose, World Press Freedom Day, mamwe masangano anoti vatori venhau vachiri kushungurudzwa pavanenge vachiita basa ravo kunyange hazvo zvave nani zvichienzaniswa munguva yehurumende yaVaRobert Mugabe.

Mukuru weMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe, VaTabani Moyo, vanoti vatapi venhau vari kuramba vachimbunyikidzwa munyika zvisinei nekuti Zimbabwe yave nemutungamiri mutsva, VaEmmerson Mnangagwa, zvichitevera kubviswa kwakaitwa VaMugabe pachigaro nemauto muna 2017.

VaMoyo vanoti ongororo dzinoitwa nesangano ravo dzinoratidza kuti hapana zvakawanda zvati zvachinja munyika munyaya dzezvekuburitswa kwenhau.

VaMoyo vanoti panguva yehutongo hwaVaMugabe, vatapi venhau vaimbunyikidzwa nemitemo nemapurisa, asi vakati pasi pehurumende yaVaMnangagwa, ongororo yavo inoratidza kuti vechiuto ndivo vari kunyanyokanganisa mashandiro evatori venhau.

VaMoyo vanotiwo huwandu hwevatapi venhau vanoshungurudzwa huri kukwira vachitiwo muna 2016 vatapi venhau makumi maviri nevatatu vakashungurudzwa mugore iri, zvichienzaniswa nemakumi matatu nevatanhatu vakashungurudzwa muna 2018.

Sangano reMisa-Zimbabwe rinotiwo kunyange hazvo patanga gore rino kwambunyikidzwa vatori venhau vasere, kuvhiringwa kwevatori venhau kwakaenda pachinhanho chepamusoro apo kumahofisi e263Chat kwakakandwa zvombo zvehutsi hunokachidza.

Asi munyori mukuru weZimbabwe Union of Journalists, VaFoster Dongozi, vanoti ivo vari kuona musiyano mukuru pakushanda kwevatori venhau vachienzanisa hurumende iripo pari zvino nenguva yaVaMugabe. VaDongozi vanoti hurumende iripo iri kuratidza chido chekuchinja mutemo kuitira kuti vatori venhau vashande zvakasununguka.

VaDongozi vanotiwo hurumende iripo iri kutora pfungwa kumasangano ese anechekuita nezvenhau.

VaDongozi vanoti panguva yaVaMugabe pane mutori wenhau akatsakatika, Itai Dzamara, uye vazhinji vaisungwa.

VaDongozi vanotiwo kunyange hazvo hurumende pachayo isingachanyanyi kuvhiringa vatori venhau, pane dzimwe nharadada dzisinei nehurumende dzinovhiringa vatori venhau.

Ukuwo Zimbabwe Media Commission inoti inoona sekuti vatori venhau vari kushanda zvakasununguka asi chinonetsa ndechekuti vatori venhau havasi kuita basa neunyanzvi.

Mumwe mushandi wekuZMC, VaAcademy Chinamhora, vanoti dzimwe dnguva vatori venhau vanosungwa nekuda kwekuti vanenge vasina kuzviratidza kuti vari pabasa asi vakatiwo dzimwe dzenguva kutotadza kuziva kwemapurisa kukosha kwevatori venhau.

Mukuru weZMC, VaTafataona Mahoso, vanotiwo mitemo iripo, uye bumbiro remitemo yenyika rinochengetedza vatori venhau, nekudaro vanovhiringidzwa pabasa vanofanirwa kunomhan’ara. Asi vanotiwo rimwe dambudziko nderekuti vatori venhau vamwe vanoita zvematongerwo enyika.

VaMahoso vanotiwo vanoona sekuti kushungurudzwa kwevatori venhau kuripo kuri kukonzerwa nevemapato ezvematongerwo enyika, uye hazvinei nehurumende.

Zimbabwe Media Commission inotiwo haiwirirani nepanoiswa Zimbabwe munyaya dzekusununguka kunenge kwakaita vatori venhau. ZMC inoti kuenzaniswa kwenyika uku hakuna jekerere, uye hakuna chokwadi mukati.

ZMC inotiwo apo Zimbabwe iri kucherechedza World Press Freedom Day,iri kukurudzira vatapivenhau kuti vashande vachiumba nyika, uye kuti vasiyane nemanyepo anouraya nyika.

ZMC iri kukurudzirawo veruzhinji kuti varege kuvimba nezvinobuda pamadandemutande (social media) vachiti pane manyepo akanyanyisa