Meya veKwekwe Amai Kasipo Voshanyira America

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

City of Kwekwe

Meya yeguta reKwekwe Amai Angeline Kasipo vanoti vari kufara nezvidzidzo zvepamusoro zvavari kuwana muAmerica umo vari kushanya kwevhiki rino pasi pechirongwa chiri kukokerwa nesangano re Women’s Democracy Network.

Amai Kasipo vanoti zvizhinji zvavari kudzidza pamusoro pekufambiswa kwebasa ravo sameya wechidzimai.

Vatiwo kunyangwe hazvo basa seravo risiri nyore vanokurudzira madzimai kuti vashinge munezvese zvavanoita kana vachida kubudirira munyaya dzezvematongerwo enyika kana munyaya dzezvemabhizimisi.

"Tiri muno muAmerica semameya echidzimai anobva kunyika dzakasiyana siyana." Vanoenderera mberi vachiti, "Tine chinangwa chekudzidziswa mafambisirwo emabasa edu tichishandisa nzira dzechizvino zvino dzakadayi sedandemutande nezvimwewo," Amai Kasipo vaudza Studio 7.

Vanotizve, :Mamwe masangano auya achitipa zvidzidzo anosanganisira bazi remadzimai mumubatanidzwa weUnited Nations reUN Women nemamwewo akazvimirira."

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Edeline Kasipo