Chirongwa cheKunyorwa kweBumbiro Idzva Chotanga Muna Chivabvu

  • Blessing Zulu

Magweta matanhatu, maviri kubva kumapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa, akapedza kunyora mibvunzo ichabvunzwa vanhu panenge poitwa chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

Mibvunzo iyi ikatambirwa nekomiti iri kutungamira hurongwa uhu, zvinenge zvoreva kuti hapachina nyaya yeZanu-PF yekuda kumanikidza vanhu kuti vatambire Kariba Draft.

Apo nyika yagadzirira kutanga hurongwa uhu, MDC inoti vatsigiri veZanu-PF vatanga zvakare kuvaka mabhesi ekurovera pamwe nekutochera vanhu muzvimbo dzakaita se Epworth, Mutoko, Gutu, Muzarabani, Mutasa South nedzimwe.

VaEric Matinenga ndivo gurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende. VaMatinenga vanoti vane chivimbo chekuti hurongwa hwekupinda muvanhu huchatanga mwedzi unouya.