Chirongwa cheKunyorwa kweBumbiro Idzva Chotanga neChitatu

Komiti yeparamende iri kutungamirwa kunyorwa kwebumbiro idzva inoti kunyorwa pasi kwepfungwa dzavanhu kuchatanga svondo rinouya nemusi weChitatu, sezvo pari zvino paine hurongwa hwekunyoresa vachange vachiita basa iri.

Pane zvikwata makumi manomwe zvichange zvichipinda muvanhu munyika yose. Muzvikwata izvi mune vanhu vachange vachinyora pfunngwa dzevanhu.

Mumwe wemasachigaro ekomiti iyi, VaDouglas Mwondzora, vanoti chirongwa ichi chinotarisirwa kupera muna Gunyana, kunyange hazvo chiri mumashure nemwedzi mipfumbamwe.

Pasi pechibvumirano chekuumba hurumende yemubatanidzwa, sarudzo dzemunyika dzinofanirwa kuitwa pava nebumbiro idzva rakabva muvanhu.

Zimbabwe yakamboita chirongwa chakadai muna 1999, asi bumbiro idzva rakarambwa kutambirwa neveruzhinji mureferendamu yakaitwa muna Kukadzi 2000.

Izvi zvakarwadza hurumende yaiva yeZanu PF munguva iyi, zvokuti ndipo pakatanga kubvutwa minda nevaimbove varwiri verusununguko.