Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari muChina kumusangano weForum on China Africa Cooperation.
Musangano uyu, uyo uri kupindwawo nevatungamiri venyika dzemuAfrica, wakanangana nekutengeserana pakati peChina nenyika dzemuAfrica.
VaMnangagwa vari kupinda mumusangano uyu panguva iyo Zimbabwe iri kunetsekana nenyaya yehupfumi husina kumira zvakanaka.
Chikwereti cheZimbabwe chinonzi chava pedyo kusvika pamabhiriyoni makumi maviri emadhora, izvo zviri kupa kuti itarisire zvakanyanya kurubatsiro rwunobva kuChina.
Asi dzimwe nyanzvi dzinoti Zimbabwe inofanirwa kungwarira panyaya yeChina sezvo nyika iyi isiri yekuvimba nayo mumaitiro ayo.
Nyanzvi idzi dzinoti China inomhanyira kupa zvikwereti kunyika dzichiri kusimukira, asi ichizopedzisira yatora zvivakwa zvenyika idzi kana dzichinge dzatadza kubhadhara zvikwereti sezvakaitika kuSri Lanka.
Muongorori wezvematongerwo enyika, uye vari mukuru wezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Ruben Mbofana, vanoti vakuru vemuAfrica vanofanirwa kuziva zvavari kuita kana vachikwereta mari kuChina.
VaMbofana vanoti panofanirwa kungwarirwa sezvo China iri kuonekwa sesveta simba kunyika dziri kutambura kuburikidza nemitemo yayo inoita kuti nyika idzi dzitadze kudzosera zvikwereti iyo China yopedzisira yabata midziyo nezvivakwa zvenyika dzinenge dzichitadza kubhadhara zvikwereti zvadzo kwairi.
Your browser doesn’t support HTML5