Munyori weParamende Anotsigira Komiti Iri Kuongorora Nyaya yeMangoda

Tsamba iyi ndeyekupedzisira kuvakuru ava, sezvo paine dzimwe tsamba dzavakazvidza. VaMpofu nevamwe vavo vayambirwa kuti zvavari kuita kuzvidza dare, uye vanogona kusungwa.

Komiti yeparamende inoona nezvemigodhi yanyorera tsamba yekukomekedza gurukota remighodhi, Va Obert Mpofu, pamwe nevakuru veMbada Holdings, kuti varemekedze zvinenge zvataurwa nekomiti iyi.

Tsamba iyi ndeyekupedzisira kuvakuru ava, sezvo paine dzimwe tsamba dzavakazvidza. VaMpofu nevamwe vavo vayambirwa kuti zvavari kuita kuzvidza dare, uye vanogona kusungwa.

Tsamba dzanyorwa mushure memusangano waitwa neChitatu pakati pekomiti iyi nemunyori weparamende, Va Austin Zvoma, avo vanova zvakare chipangamazano chedare iri munyaya dzemitemo.

Va Moses Mare inhengo ye komoti iyi. VaMare vanoti nhengo dzekomiti yavo dzawirirana kuti hadzisi kuzodzokera shure panyaya yekupedza huwori kwaMarange.

Asi mutaurri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo riri kushushikana zvikuru nezviri kuitika panyaya yemangoda.

Mutauriri mutsva weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti bato ravo rinomira nezvose zvinoita naVaMpofu senhengo yavo.