Munyori weBazi reZvicherwa Ozvidza Komiti yeParamende

Va Farai Maguwu ve Centre for Research and Development kwa Mutare vanoti maitiro ava Musukutwa ekuramba kupindura mimwe mibvunzo yekomiti yeparamende zvinoratidza kuti pane zvizhinji zvisiri kuburitswa pamafambisirwo ari kuita nyaya yemangoda munyika.

Munyori webazi rezvemigodhi, VaThankful Musukutwa, varamba neChipiri kutaura masarudzirwo akaitwa nhengo dzebhodhi reMbaba Diamonds, pamwe nekuti makambani maviri ekunze akabatana nekambani yehurumende yeZimbabwe Mining Development Corporation, ZMDC, mukuchera mangoda ekwaMarange, akasarudzwawo sei.

VaMusukutwa vanga vachipindura mibvunzo kukomiti yeparamende inoona nezvezvicherwa, iyo iri kuferefeta zviri kuitika pamangoda ekwaMarange. VaMusukutwa vaudzawo komiti iyi kuti kusvika pari zvino, pane makarati emangoda mamiriyoni maviri nemazana maviri ezviuru akacherwa nemakambani maviri ari kuita basa iri kwaMarange kuManicaland.

Asi vaudza komiti iyi kuti havazivi huwandu hwemishina iri kushandiswa nemakambani aya, uye kuti basa iri riri kusimudzira nyika zvakadii.

Sachigaro vekomiti iyi, VaChindori Chininga, vatiwo changa chiri chido chekomiti yavo chekuti vange vapedza kunzwa nyaya yemangoda svondo rino, asi nepamusana pekuti gurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, havasi kukwanisa kuuya kukomiti, zvichaita kuti komiti yavo igare zvakare svondo rinouya.

Mutungamiri wesangano re Centre for Research and Development kwaMutare, Va Farai Maguwu, vanoti maitiro ava Musukutwa ekuramba kupindura mimwe mibvunzo yekomiti yeparamende zvinoratidza kuti pane zvizhinji zvisiri kuburitswa nehurumende pamafambisirwo ari kuitwa nyaya yemangoda munyika.

Zvichakadaro, sachigaro mutsva we Kimberly Process, Va Boaz Hirsch, vanoti vachaita zvese zvavanogona mukugadzirisa nyaya yemangoda ekwaMarange, kuitira kuti zvinhu zviitwe pachitevedzerwa gwara reKimberly Process.