Zanu PF Inovhiringidza Musangano weBazi reKugarisana Zvakanaka

  • Jonga Kandemiiri

Musangano wekutanga pakati pebazi rezvekupodza maronda pamwe nekuregererana, reOrgan on National Healing and Reconciliation, nemapato ezvematongerwo enyika waida kuitwa muHarare neMugovera, unonzi wakatadza kuenderera mberi mushure mekunge vatsigiri veZanu PF vatanga kuita ruzha.

Zvinonzi vatsigiri veZanu PF, avo vaidarika mazana mashanu, vakatanga kuimba nziyo dzechimurenga, mushure mekunge vaudzwa kunzi paibvumidzwa vanhu makumi matanhatu chete kubva kubato rimwe nerimwe riri muhurumende yemubatanidzwa.

Asi veZanu PF vanonzi vaida kupinda mumusangano uyu vose.

Zvinonzi mutevedzeri wemutungamiri wenyika, uye vari nhengo inomirira Zanu PF mubazi iri, VaJohn Nkomo, pamwe nemunyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF, VaDidymus Mutasa, vakakundikana kunyaradza nhengo dzavo, izvo zvakazoita kuti musangano uyu umiswe.

Musangano uyu wakanga warongwa nemutungamiri weFamily of God, Reverend Andrew Wutawunashe. Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vati havakwanisi kutaura pamusoro pechiitiko ichi, sezvo vasati vapirwa nyaya iyi.

Asi mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara, VaEdwin Mushoriwa, avo vaifanirwa kutaurawo pamusangano uyu, vashora zvikuru zvakaitwa nevatsigiri veZanu PF ava.

Mumwe wemakurukota anoona nezvekupodzwa kwemaronda pamwe nekuregererana, uye vachimirira MDC T, Amai Sekai Holland, vanoti zvakaitika neMugovera chidzidzo chikuru kubazi ravo kana vosangana zvakare nevemapato ezvematongerwo enyika.