Musangano weKimberly Process Unotadza Kubvumirana paNyaya ye Zimbabwe

Mutungamiriri we World Diamond Council uye vari nhengo ye KP, Va Eli Izhakoff, vaudza Studio 7 kuti zuva rese musangano waenderera mberi nhumwa dzenyika dziri mu KP dzichitadza kuwirirana zvekuti musangano wanga uchifanirwa kupera nhasi watozoenderera mberi kuti vaone kuti vanhu vangabvumirana here

Musangano we Kimberly Process waenderera mberi mu Tel Aviv ku Israel nhengo dzenyika dzakasiyana siyana dzichikweshana nenyaya yekuti Zimbabwe yobvumidzwa here kutengesa mangoda ayo kana kuti kwete.

Nyaya ye Zimbabwe ndiyo yanga iri pamusoro mumusangano uyu kubva nemusi weMuvhuro vanhu vachitadza kuwirirana kuti Zimbabwe yodzingwa here kuva nhengo ye KP kana kuti kwete.

Mutungamiri we World Diamond Council, uye vari nhengo ye KP, Va Eli Izhakoff, vaudza Studio7 kuti zuva rese musangano waenderera mberi nhumwa dzenyika dziri mu KP dzichitadza kuwirirana zvekuti musangano wanga uchifanirwa kupera neChitatu watozoenderera mberi kuti vaone kuti vanhu vangabvumirana here.

Gurukota rezvemighodi, Va Obert Mpofu, ndivo vari kumirira Zimbabwe. VaMpofu vanonzi vaudza musangano uyu kuti Zimbabwe yaita zvese zvayakanzi iite ne KP, nokudaro inofanira kubvumidzwa kutengesa mangoda ayo.

Zvichakadaro, mumwe mukuru wekambani yemangoda mu America, Va Martin Rapaport, vari kuzvinyima chikafu pamusangano we KP uyu kwemazuva matatu vachiti KP iri kushandiswa nehurumende dzakaita se Zimbabwe kuchenura nekutengesa mangoda akasviba kana kuti ane ropa mukati.

Munguwa imwe cheteyo mu Harare, mutungamiri we Centre for Research and Development kwaMutare, Va Farai Maguwu, vanyimwa mukana wekuti vabvise mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Mutongi wedare, VaDonald Ndirowei, vati VaMaguwu vangangokanganisa kuferefetwa kwenyaya yavari kupomerwavo kana vakaburitswa mutirongo mavari .