Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zviri kuungana neChishanu kusvika neSvondo, Chikunguru 01, 2018, apo zvichange zvichipana mazano mumabasa ekusimudzira hupenyu nenharaunda dzavari pari zvino pamwe nekwavakabva.
Vanhu ava vari kusangano pasi pesangano rinonzi Building for the Future 2018.
Mumwe wevakatanga musangano uyu makore mashanu apfuura, Reverend Jacob Tozoona Maforo, avo vanogara kuKansas muno muAmerica, vanoti vari kufara nekukura nekubudiira kuri kuita sangano ravo gore negore.
Kuburikidza nesangano iri vanhu vari kuwana mukana wekupana mazano panyaya dzehupenyu, kuzeya zvimhingamipinyi zvavanosangana nazvo, pamwe nekuyechidzana zvakakoshera kutarisa shure kwavakabva vachibatsirawo vamwe vanodawo kusimudzira hupenyu hwavo.
Mufundisi Maforo, avo vanopinda kereke yeUnited Methodist, vanotiwo kumusangano wavo uyu vanokoka vanhu vemakereke ose echiKristu, hausaruri, naizvozvo vanhu vanofanirwa kuuya vakasununguka nekuti vamwe vanogona kutyira kuti zvimwe ndewezvematongerwo enyika.
Mufundisi Maforo vanoti havaneyi nekuti munhu anotsigira bato ripi rezvematongerwo enyika, sezvo chinangwa chiri chekushumira pamwe sevana veZimbabwe.
"Kune vasati vanzwa nemusangano uyu tinoti huyai kumusangano weBuilding for the future Conference. Pane vamwe vangava nepfngwa dzekuti zvimwe tinenge tichiita zvematongerwo enyika, kwete, yedu program, ndeyevanhu vane chishuvo chekuti zvavari kuita zvinobatika, zvikurukurwe pamusoro pezvazvo."
Your browser doesn’t support HTML5