Musangano we 18th International AIDS Conference uri kuitirwa kuVienna, wapinda muzuva rechina nyanzvi munyaya dzehutano dzichikurukura nzira itsva dzingashandiswe mukuderedza huhwandu hwevanhu vanobatwa neHIV/AIDS. Ukuwo sangano re AIDS Free World rakurudzira kuti kutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe muna 2008, kunofanirwa kuferefetwa nedare repasi rose re International Criminal Court.
Sangano reAids Free World raita musangano nevatori venhau parutivi pehurongwa hukuru hwe 18th International AIDS Conference, richiti rinoda kuendesa magwaro anoburitsa pachena kushungurudzwa nekubatwa chibharo kwakaitwa vanhukadzi muZimbabwe munguva yesarudzo yegore ra2008, ku International Criminal Court.
Sangano iri rakumbira masangano eUnited Nations Security Council nere SADC kuti apindire munyaya yeZimbabwe nekudzora muitiro wemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe. Sangano iri ratiwo panofanirwa kutorwa matanho ekuona kuti sarudzo dzichaitwa muZimbabwe, dzaitwa nenzira isingashungurudze vanhukadzi sezvakaitika muna 2008.
Mumwe wevatauri pamusangano uyu, ndiMuzvare Thabitha Khumalo, mumiriri weBulawayo East, avo vauya vakamirira sangano reSADC umo vari sachigaro wekomiti yezveHIV/AIDS. Muzvare Khumalo varondedzera vachichema kushungurudzawa kuri kuitwa vanhukadzi muZimbabwe, vakati masangano ekunze anofanira kupindira kuitira kuti vanhukadzi vanobatwa chibharo vadzivirirwe mukubata hutachiwana hweHIV.
Mumwe mutori wenhau wekuBotswana anga ari mumusangano uyu, Amai Doris Kumbawa, vati kupindira kwemasangano ekunze munyaya yeZimbabwe kunopa chivimbo chakasimba kumadzimai.
Amai Kumbawa vatizve kusimudzirwa kwenyaya iyi nemasangano ekunze akaita seAIDS Free World kunoratidza kuti masangano emuZimbabwe akanda mapfumo pasi.
Zvichakadaro, musangano weChitatu wanga uine nhaurwa dzakati wandeyi. Vamwe vataura pamusangano mukuru uyu ndi Doctor Bernard Hirschel vekuSwitzerland, avo vataura zvikuru pamusoro pemishonga yekudzivirira kuti vanhu vasabatwe nehutachiwana, vachiti iyi inzira yakanaka inofanirwa kuongororwa navamazvikokota vehutano.
Vamwe vataura ndi Amai Ellen Thoen vekuNetherlands, avo vapa mashoko akakosha pamusoro pekuchengetedzwa kwemitemo yemakambani anogadzira mishonga.
Nyanzvi munyaya dzemishonga uye vari Chief of Medicines paUniversity of Zimbabwe, Dr Hakim James, vakumbira masangano epasi rose anoona nezveHIV/AIDS kuti akurumidze kuwanira vanhu pasi rose mishonga yema anti retroviral drugs. Dzimwe nyaya dziri kutaurwa nezvadzo inyaya dzekuti vanhu vanofanira kurarama hupenyu hwakaita seyi mukuchembera neHIV/AIDS.
Pane mamwe masangano ari kuti misangano yakadai iri kutambisa mari inofanirwa kunge ichashandiswa nevanorarama neHIV/AIDS. Masangano aya ari kuda kutanga chirongwa chekuti musanganno unotevera usaitwe mu Washington DC muna 2010.
Chirongwa ichi chinonzi "No To DC". Vachitaura neMuvhuro muVienna, vaimbove mutungamiri weAmerica, VaBill Clinton, vakati mari dzakawanda dziri kushandiswa mukuita misangano pamwe nekukwira dzindege nekugara mumahotera, vanhu vanorarama neHIV/AIDS vachisara vachishupika.